‘Kurima ngakuve bhizimisi’

Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kuti vatore basa rekurima sebhizimisi kuitira kuti vave nepundutso izvo zvinobatsirawo mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaDenias Zaranyika vanova regional managing director (MD) vekambani inouchika mbeu munyika muno nemudunhu reAfrica yeSeed Co apo vaitaura pagungano rekusimbaradza kudyidzana kwekambani yavo nevatori venhau vemasangano akasiyana, muguta reHarare.

VaZaranyika vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbeu dzinoenderana nematunhu avo.

“Murimi anofanirwa kutora kurima sebhizimisi uyewo achitsvaga ruzivo ruzere kubva muzvikamu zvakasiyana zvine chekuita nekurima kuburikidza nemashoko anoburitswa nevatori venhau ekurima,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hakuna mbeu inoshaika kuburikidza neSeed Co kubvira kumbeu diki dzinokurumidza kuibva nedzinonoka kureva kuti murimi wese anowana mbeu dzinofambirana nedunhu raanorima ari. Nekudaro tine zvirongwa zvatinoita zvekudzidzisa nekukurudzira varimi vedu kuti vagare vari pamusoro munyaya dzeruzivo nguva dzose.”

VaZaranyika vanoti kambani yavo iri kudzorera zvakare kunharaunda dzainoshandira nenzira dzakasiyana dzakadai sekubatsira padzidzo yevana vanoshaya vepuraimari nesekondari.

“Seed Co inobatsira vana vechikoro nezvikoro zvakare uyewo tinobatsira nekudya muzvipatara zvakasiyana, tinobatsira nherera neshirikadzi nevamwe vanoshaya vakasiyana munyika yedu,” vanodaro.

VaZaranyika vanoti kurima kwakakosha sezvo kuri iko musimboti webudiriro yeZimbabwe.

“Tikatevedza nzira chaidzo dzinokurudzirwa dzekurima tichishanda nevarimisi vedu, nyika yedu inosimukira paupfumi tichitarisa donzvo reHurumende rekuti panosvika gore ra2030 upfumi hwenyika hunge hwasimukira zvikuru,” vanodaro.

VaZaranyika vanoti vanotendawo zvikuru vatori venhau nekuda kwebasa guru ravanoita rekusvitsa mashoko akakwenenzverwa kuvarimi nekuruzhinji izvo zvinosimudzira mabasa ekurima munyika.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×