kurohwa kwevana: zvinoitawo here? . . . ‘Hapana chakaipa, kuranga’ . . . ‘Vanotonyanya misikanzwa’

MUTONGO wakapihwa nedare reConstitutional Court nguva pfupi yadarika wekuti vabereki nevadzidzisi vane mvumo yekuranga vana kuburikidza nekuvarova zvakafanira kana zvichinge zvaonekwa zvakakodzera, uri kutambirwa zvakasiyana-siyana nevadzidzi pamwe chete neveruzhinji.

Mutongo uyu unotevera nyaya yakange yaendeswa kudare iri nekuda kwegakava raivepo rekuti mubereki kana mudzidzisi ane mvumo yekurova mwana senzira yekumuranga here kana kuti kwete.

Vachitura mutongo uyu, Deputy Chief Justice Luke Malaba, vakati hakuna mutemo unorambidza kurohwa kwevana mudzimba, muzvikoro kana kuti kuburikidza nemitongo inenge yapihwa mumatare edzimhosva.

Zvakadai, Kwayedza yakaita ongororo pamusoro penyaya iyi ikanzwa pfungwa dzevaverengi.

Mumiriri weMount Pleasant mudare reNational Assembly, Cde Jaison Passade, vanoti nyaya yekurohwa kwevana iri mumipanda miviri.

“Kana mutemo wekuti vana vange vachirohwa uchinge wadzikwa tinofanira kutarisa kumativi maviri ose anoti vana vari muzvikoro zvekumaruwa nezveHurumende tozotarisawo zvikoro zvakazvimiririra. Ini hangu ndinoona kuti mutemo uyu uchadzvanyirira vana vari muzvikoro zveHurumende nevekumaruwa apo vari muzvikoro zvakazvimirira vachisiiwa vasingarohwe nekuti inenge yave nhau yemari kana kuwana kwevabereki,” vakadaro.

Vanoti kurohwa kwevana hakukodzeri nekuti kunodzvanyirira kodzero dzavo asi zvinenge zvave kuenderana nehudzamu hwekurova kwacho, kuti kunenge kuchiri kuranga here kana kuponda.

“Kutaura chokwadi handi nyore kurova vana vemhene vari kuzvikoro zvakazvimirira nekuti mubereki anogona kubvisa mwana iyeye pachikoro ipapo omuendesa kumwe kunova kusingarohwi.

“Kutsiurwa nemuromo chaiwo kunobatsira, munoti shamhu ndiyo ingazopedza here misikanzwa yake?” vanodaro. Leeroy Chinhovo (14), uyo ari kuita Form 2 paMt Pleasant High, muHarare, anoti vana vechikoro vanofanira kurangwa kuburikidza nekurohwa kuitira kuti vasaite misikanzwa.

“Vadzidzi kana vakaregererwa vachiita zvavanoda muchikoro hamuite chimiro, munongoziva panoungana vanhu manyawi anowandisa. Varairidzi vangatopedzisira vatiza pachikoro pacho,” anodaro.

Kupakwashe Mwaza (14) anodzidza pachikoro chimwe chete ichi anopesana nemafungiro aya achiti vadzidzi havafaniri kurohwa asi kungotsiurwa nemuromo chete.

Vamwe vadzidzi vechikuru vepaPassade Group of Colleges avo vari kutsigirwa naCde Passade nemari yechikoro vakapawo mafungiro ava pamusoro penyaya iyi. Mumwe wevadzidzi ava, Nicholas Nyahanana (17), anoti kurohwa kwevana hakuna shumo nekuti kunotogona kuita kuti vawedzere misikanzwa muzvikoro nekudzimba.

“Kune vamwe vana vakangozvarwa vari nhinhi vasingachanzwi shamhu zvekuti kunyangwe vakarohwa zvakadii misikanzwa yacho inenge ichitoita sekuti yadirwa parafini,” anodaro.

Mai Linda Kwangari (30), avo vanoti vari kuwedzera zvidzidzo zvavo zveO-Level pachikoro apa, vanotiwo vana vanofanira kurohwa muzvikoro nekudzimba kuitira kuti vave nematyira kuvabereki nevarairidzi vavo.

“Ini ndinodzidza chikoro chevakuru paPassade Group of Schools asi ndiri mubereki zvakare. Tinotoona misikanzwa inoitwa nevamwe vadzidzi yakadai sekunonoka kana kurovha kuchikoro. Vamwe havatombonyori basa ravanopihwa nevarairidzi nekuda kwekuti vanoziva kuti chikoro chevakuru hakurohwe. Kudai, vanhu vairohwa pano kana ruzha rwuri kuitwa mukirasi umu mungadai musingarunzwi. Murairidzi anotonetseka kunyararidza vanhu ivo vachiziva havo kuti vauya kuzodzidza,” vanodaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×