Maonero edu: Mwana anokosha, muchengetedze!

SVONDO rino tine dzimwe nyaya dzinosuwisa zvikuru, nyaya dzevanhukadzi vanoti kana vagara nguva refu vasina kubata pamuviri vanonotsvaga kubatsirwa kuchivanhu – kun’anga kana kumaporofita.

Imwe yenyaya idzi iri pamusoro pemadzimai maviri ayo anoti akadyiswa zvinoyera pamwe nekunwiswa ropa ravasingazive kuti nderei nemumwe muporofita apo vaitsvaga rubatsiro rwekuti vabate pamuviri.

Sekutaura kwemadzimai aya, vanoti vakafamba kumaporofita pamwe nekun’anga dzakawanda nechinangwa chekuti vaite vana asi zvakakona.

Vakazoenda kumumwe muporofita uyo akavati vadhudhudzire kunwa ropa rainhuwa zvikuru pamwe nekubhadhariswa mari senzira yekuuchikwa.

Mumwe wemadzimai aya anoti zvakare akaudzwa kuti aifanira kurara “nemweya” kuti abate pamuviri.

Mukadzi uyu anoti akazoziva kuti zvainzi kupinda pabonde “nemweya” uku zvaireva kushereketa nemumwe wemaporofita ayo aimushandira kana kuti kumuuchika kuti aite mwana.

Zvakamboitika kupi kuti munhu anouchikwa kuburikidza nekushinhwa naye? Uhu hupombwe huri pachena uye hazvina kumbosiyana nekubata chibharo. Zvakakosha kuti maporofita pamwe nen’anga vane hunhu hwakadai vamhan’arirwe kumapurisa vatarisane nemutemo nekuti kune mamwe madzimai anogona kunge ari kumbunyikidzwa nenzira dzakadai asi vozonyara kana kutya kubuda pachena kuti ndizvo zvavakaitwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Matambudziko akasangana nemadzimai aya pakushaya kwavo mbereko anoratidza kuti mwana akakosha zvikuru kunyangwe kuine vamwe vanobata vana huyanga.

Kune vamwe vanhukadzi vari kurasa vana kozoita vamwe vanovauraya, zvikuru tusvava mushure mekunge murume anenge amupa pamuviri aramba kuti ndiye mwene wemimba kana kuti nekuda kwezvikonzero zvakaita sekufarira kusasana.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti kazhinji kana muwanano mukashaikwa mwana panove nekupomerana pakati pemukadzi nemurume uye dzimwe nguva imba inogona kutoparara.

Zvakabuda zvakare kuti kune vamwe vanhukadzi vari kudyiswa zvakaita setsvina yembwa kana kunanzviswa kumashure kwembwa vachinzi vanenge vachiuchikwa kuti vabate mimba.

Vanhukadzi vanoita izvi nekuda kwekuomerwa. Chavanenge vachitsvaga mwana. Chokwadi ndechekuti mwana chipo chinobva kuna Mwari nekudaro hazvina kukodzera kuti vanhu vadyiswe zvinoyera zvakadai nenyaya yekuda mwana.

Hazvina utano kuti munhu adye tsvina yembwa kana kunanzva kumashure kwayo.

Hongu, kubva pasichigare tsika yekuuchika vane dambudziko rembereko yakagara iriko asi zvaiitwa zvine utsanana uye nechiremera.

Mazuva ano kwava nenzira dzakareruka dzinoita kuti dambudziko rekushaya mbereko pakati pemurume nemukadzi rizivikanwe kuti rakamira sei uye izvi zvinoitwa kuburikidza nekuongororwa nemichina yechizvino-zvino muzvipatara. Semaonero edu, kana mbereko yanetsa mumba murume nemukadzi ngavaende kunoongororwa namachiremba vakadzidzira basa iri nekuti vakada kubatsirwa nemaporofita kana n’anga dzose-dzose vanogona kuwira mukanwa meshumba.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×