‘Kuroora’ mwana kwamupinza mumoto

KUTIZIRWA nekasikana kasati kabva zera kwakapindukira mumwe murume wekwaSeke apo akadhonzerwa kumatare nemhosva yekupinda pabonde nepwere.Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Yeukai Chigodora, akati Gift Muroiwa (21) wepanhamba 33165 Unit A, adzoke kudare munguva pfupi inotevera apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Muchichisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa15 Chikumi gore rino, mumhan’ari – uyo ane makore 14 ekuberekwa – anonzi akashanyira mukomana wake uyu kumba kwake munguva dzemanheru.

Vaviri ava vanonzi vakabva vashereketa kamwe chete asi vachibvumirana uye mwana uyu akabva arara kumba kwaMuroiwa usiku hwose.

Vanonzi vakabva vabvumirana kuti vagare vose semurume nemudzimai.

Muzuva rakatevera munguva dzemanheru, Muroiwa pamwe nemwana uyu vanonzi vakasangana naambuya vemumhan’ari vanova vakabva vavatora ndokuenda navo kukamba yemapurisa yekuZengeza zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Mumhan’ari haasati avhenekwa nemachiremba.

Muroiwa ari kubvuma mhosva iyi achiti: “Yambiro yemhosva ndainzwisisa uye ndinoibvuma. Asi iye mumhan’ari ndiye akandiudza kuti ane makore 18 ekuberekwa.”

 

Muroiwa ari kutongwa nemhosva yekupinda pabonde nepwere pasi pechikamu chemutemo weHaving Sex with a Young Person C/S 70 of the Criminal Law and Codification Act Chapter 9:23.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *