Akadzoka kujeri mukadzi atorwa

Janet Chari—

MURUME wekumbopika jeri kwemakore manonwe mushure mekunge aponda shamwarikadzi yake anonzi amuka chibhebhenenga zvakare nekugara achizvambaradza aimbove mukadzi wake achiti anoda kuona mwana wake uyo waasati aona kubvira paakabuda muchizarira.

Danai Zidenga akamhan’arira Nyashanu Munyengwa kudare reHarare Civil Court achiti ari kumurova nekumutuka.

“Haana ruremekedzo mururme uyu, anondinyadzisa pose pandinomuona uye haanei nekuti pakazara vanhu. Svondo rapera akauya kumba kwedu kuzondirova masikati machena zvinova zvinoita kuti mwana arambe kumuona,” anodaro Zidenga.

Anoti Manyengwa anorwadziwa nekuti akazoroorwa nemumwe murume achimusiya, saka anoda kuti arambwe.

“Haaneti kufona nekutumira mameseji achipopota, pamwe pacho akatombouya kumba kwangu akaudza hama dzemurume wangu kuti ndiri pfambi zvinova zvave kuda kutoparadza musha wangu.

“Murume uyu aiva musungwa kwemakore manomwe apfuura nekuda kwekuti akauraya mukadzi waishamwaridzana naye,” anodaro Zidenga.

Munyengwa haana kupikisa mashoko aitaurwa naZidenga uye anokumbira dare kuti rimubvumidze kuti awaniswe mukana wekuona mwana wake achiti pava nenguva yakareba asina kumuona kubva zvaakasungwa.

“Handiregedze kumufonera kusvika abvuma kuti ndione mwana wangu,” anodaro Munyengwa.

Anoramba kuti anoenda kumba kwaZidenga achiti haazivi kuti ari kugara kupi asi kumba kwaakaenda ndekwaamai vaZidenga apo aida kukumbira kuona mwana wake.

“Vese naamai vake vari kundirambidza kuti ndione mwana wangu. Manje nyaya yacho haiperi!” anodaro Manyengwa.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Zidenga gwaro rerunyararo ndokuti kana Manyengwa achida kuwaniswa mvumo yekuona mwana, anofanira kuenda kudare rinoona nezvevana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *