‘Kurudzira mitambo yetsika nemagariro’

Daphne Machiri
ZVIKORO zvinokurudzirwa kuti zvikoshese dzidzo yemitambo yakaita semadhirama sezvo vamwe vana vachikwanisa kuwana raramo kubva mairi mune remangwana. Kurudziro iyi yakaitwa svondo radarika nemukuru anoona nezvemadhirama muHarare musangano reNational Association of School Heads, Mai Mai Beauty Mtsambiwa, avo vanova Harare Province (NASH) Head-in-Charge of Drama, paGirls High apo paive nemakwikwi ezvikoro edhirama, mitambo tsika nemagariro.

Mai Mtsambiwa ndivo zvakare mukuru weGirls High.
Vakati zvakakosha kuti vana vechikoro vaite makwikwi emadhirama vachiratidza matarenda avo. “Ngatikoshesei zvidzidzo zvemitambo, tsika, magariro nemitauro yedu tidade nekuva vanhu vechitema.

“Makwikwi aya anoita kuti vana vave nehushingi mune zvavanoita vachikura vachiratidza matarenda avo sezvo kuine vamwe vasingakwanise zvemabhuku. Naizvozvo kuvapa mukana wekuratidza zvavanogonawo zvinoita kuti vazowane chouviri mune remangwana mukurarama kwavo,” vakadaro Mai Mtsambiwa.

Madhirama aya aiva nedingindira rinoti: “Mwanasikana ngaasimudzirwe mufundo nemuraramo yake”.
“Dingindira iri rinoreva kuti mwanasikana munhuwo akaita semwanakomana anofanira kupihwa kodzero dzake, pachive neenzaniso yemikana sekuenda kuchikoro. Vanasikana vanofanirawo kuita zvidzidzo zvinoitwa nevanakomana pasina kusarura,” vakadaro Mai Mtsambiwa.
Mumakwikwi aya, vaive vaongorori inyanzvi dzekuchikamu cheUniversity of Zimbabwe Theatre Arts.

Christ Ministries College ndiwo yakakunda uye ichanomirira Harare kumakwikwi enyika yose achaitirwa kuPlumtree musi wa2 Gumiguru.
Makwikwi emuHarare aya akapindwa nezvikoro zvakabva kumatunhu anoti Hatfield, Glen View-Mufakose, High Glen, Northern Central, Chitungwiza, Warren Park neEpworth-Tafara-Mabvuku.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×