Okwidzwa ndege nekudhirowa . . .kasikana konomirira zimbabwe kujapan

VANESA Madori aina baba vake, VaMichael Madori, naamai vake, Mai Felistus Nyamandu kumakwikwi eHarare Provincial Merit Awards nguva pfupi yadarika. — Mufananidzo: Nyasha Mutena.
VANESA Madori aina baba vake, VaMichael Madori, naamai vake, Mai Felistus Nyamandu kumakwikwi eHarare Provincial Merit Awards nguva pfupi yadarika. — Mufananidzo: Nyasha Mutena.

Nyasha Mutena
MWANA ane makore 5 ekuberekwa uyo achiri padanho reECD kuchikoro, ari kushura mare nekugona kudhirowa uye akatotarisana nekupinda mumakwikwi enyika dzepasi rose ayo achaitirwa kuJapan nguva pfupi inotevera. Vanesa Madori ari kuita danho reECD paLouis Mount Batern Primary School, muHarare uye pari zvino akaratidzira hunyanzvi hwake hwekudhirowa nekukunda vamwe vana vezera rake mudunhu reWarren Park-Mabelreign pamwe nemupurovhinzi yeHarare yose.

Vanessa akatarisana nekukwira ndege kunopinda mumakwikwi makuru ekudhirowa, eToyota World Art Competitons, ayo achaitirwa kuJapan nguva pfupi inotevera.

Muhurukuro neKwayedza, Vanesa anoti anofarira zvakanyanya kudhirowa uye hapana munhu anomudzidzisa sezvo zvinhu zvaanodhirowa zvichiuya mupfungwa dzake.

Nguva pfupi yadarika, akahwinha mibairo yekukunda vamwe kudhirohwa kumakwikwi eHarare Provincial Merit Awards uye akambopihwa chimwe chitupa chekugona mumakwishu eWarren Park-Mabelreign Merit Awards.

Baba vake, VaMichael Madori, vanoti vakaona chipo chaVannesa makore mashoma adarika apo vakamuti adhirowe chaanoda ndokubva adhirowa nyoka inonzi nyami-nyami iyo yainge iine mavhiri pamwe nemapapiro.

Vanoti vakamuti atsanangure kuti sei ainge afarira kudhirowa nyoka iyi iine mavhiri nemapapiro apo akabva ati yaizobhururuka kana yava kukwidza makomo uye mavhiri yaizofamba nawo pakateremuka.

VaMadori vanoti kubva panguva iyi, ivo nemudzimai wavo, Mai Felistus Nyamandu, havana kuzodzokera shure pakusimudzira chipo chemwana.

“Vanesa akatoredzera ini baba wake pakugona kudhirowa uye ndakaona kuti ane chipo chakakomba,” vakadaro VaMadori.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×