KWAYEDZA

Kurwakumire obika nziyo dzakapakata kurudziro

Abel Ndooka

MUIMBI ari kusimukira David Kurwakumire, uyo anozivikanwa nevazhinji saBlack David Kurwakumire, akapinda mustudio kuzotsikisa nziyo itsva nhatu dzaanoti achaparura munguva pfupi iri kutevera.

Nziyo idzi — “Kana Ndadzoka”, “Nhamo” uye “Mudzimu  Ndiringe” – dzinotaura pamusoro pematambudziko anosangana nevoruzhinji muupenyu hwavo panguva dzakasiyana-siyana.

Achitaura, Black David Kurwakumire akati nziyo dzaari kutsikisa dzizere nemashoko anosimbisa vanhu kuti vasarase tariro pavanenge vachisangana nematambudziko akasiyana-siyana.

“Ndakapinda mustudio, ndikatanga kutsikisa nziyo dzangu itsva. Izvozvi ndiri mushishi kubika nziyo nhatu dzinoti ‘Kana Ndadzoka’, ‘Nhamo’ uye ‘Mudzimu Ndiringe’, dzandichazoburitsa munguva iri kutevera.  Nziyo idzi dziri kutaura zvakanyanya pamusoro pematambudziko akasiyana-siyana anosangana nevanhu muupenyu hwavo, kungave kudzimba, kumabasa kana mumararamiro avanoita.

“Saka shoko randiri kufamba naro nderokuti kana zvaoma ngatisarase tariro; ngatigare takashinga. Kuti tikunde mune zvinhu zvose muupenyu, zvinotoda kushinga,” akadaro Black David Kurwakumire.

Kubva zvaatanga zvemimhanzi, Black David Kurwakumire atsikisa nziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Rudo rwaMwari”, “Chirere” uye “Ndamirira Mudiwa”.

Anoti kubvira paakapinda mudariro rezvemimhanzi, akagamuchirwa nemaoko maviri nevatsigiri vake, izvo zviri kumusunda kuti arambe achishanda nesimba.

“Ndinonzwa kufara kukuru nekugamuchirwa kwandakaitwa nevatsigiri vemimhanzi uye zviri kundisunda kuti ndirambe ndichishanda nesimba zuva nezuva, ndichibika mumhanzi unodzidzisa uye unogamuchirika zvikuru.

“Vatsigiri vedu vemumhanzi ndivo vanoita kuti isu, sevaimbi, tirambe tichishanda nesimba, tomuka zuva nezuva tichitarisira kutsikisa dzimwe nziyo,” anodaro.

Black David Kurwakumire anoti, semuimbi, haana mumwe waari kukwikwidzana naye asi kuti ari kuda kudzidzisa voruzhinji kuburikidza nemumhanzi wake chete.

“Ini pachezvangu handina mumwe muimbi wandinoti ndiri kukwikwidzana naye kana kutevedzera, asi kuti ndiri kungozvishandira semuimbi, ndichibika mumhanzi unodzidzisa.

“Sevaimbi, tose tine basa hombe ratakatarisana naro rekudzidzisa voruzhinji pamusoro petsika nemagariro akanaka muupenyu,” anodaro.

Murwendo rwaari kufamba rwemumhanzi, Black David Kurwakumire anoti anoda kuzosvika pachidanho chakasvikwa nevaimbi vanoti Thomas Mapfumo, mushakabvu Oliver Mtukudzi nechizvarwa chekuUnited States chine mukurumbira, Lionel Richie.