‘Kurwisa zvirango zveupfumi kunoda kubatana’

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kubviswa kwezvirango zveupfumi, izvo zvakatemerwa Zimbabwe zvisiri pamutemo nedzimwe nyika dzekumavirira, reCitizens Against Economic Sanctions (CAES) rinoti zvakakosha kuti zvizvarwa zvenyika zvibatane uye kutaura nezwi rimwechete kuti zvirango izvi zvibviswe.

Kurudziro iyi yakapihwa pamusangano wakaitwa kumahofisi esangano iri muHarare svondo rino apo veruzhinji vaidzidziswa maringe nekuipa kwezvirango zveupfumi kubudiriro yenyika.

Sangano iri riri kushanda nemapoka akasiyana-siyana ayo anoona nezvevechidiki, madzimai nevemakereke mukuita mushandirapamwe wekurwisa zvirango zvehupfumi izvi.

“Kubva pakavambwa sangano reCAES, tanga tichizvibatsira nemari shoma yaibva muhomwe dzedu mukudzidzisa  vanhu pamusoro pekukanganisa  kwezvirango kuupfumi hweZimbabwe nevanhu,” vanodaro VaVaBrighton Marengureni vanova  mumiriri weExternal Affairs kusangano iri uye vari muzvinabhizimusi.

Vanoti panguva iyo vari kuedza kurwisa zvirango zveupfumi izvi, vane chikumbiro chekuti pave nevatsigiri vakawanda kuti vakwanise kupinda mumatunhu akasiyana vachinokusha mashoko echenjedzo maringe nenhau iyi.

VaMartin Zharare vanova executice director kuCAES vanoti zvirango zveupfumi zvakaipira munhu wese uye zvinodzorera budiriro yenyika kumashure.

“Tinoda kuti zvirango zveupfumi zvakatemerwa nyika ino neAmerica zvibviswe zvachose kuti tirambe tiine kudyidzana kwakanaka nedzimwe nyika munyaya dzemabhizimusi. Saka zvinoda mushandirapamwe wangu newe kuti tibudirire kukunda dambudziko iri. Kuti tibudirire muzadzikisa zvinangwa zveVision 2030 izvo zvinogarotaurwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa, hunge tabatana pamwe uye tichitaura nezwi rimwechete kuti zvirango zveupfumi izvi zvibviswe,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×