Kusanduka kwemamiriro ekunze kworwiswa

Muchaneta Chimuka
MADZIMAI anodarika mazana maviri ekuDomboshava  ofundiswa maringe nenzira dzekurima dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze nechinangwa chekuti nyika isaite nzara neurombo.

Kusanduka kwemamiriro ekunze kunouya nenzira dzakadai semafashamu, dutu, kupisa kwakanyanya kana kutonhora kwakanyanya, pakati pezvimwe.

Madzimai aya – ayo anova nehunyanzvi hwekurima mbesa dzinotirira muzuva dzakadai semapfunde, mhunga, nzungu, nyimo nezviyo – anoti ari kubatsirikana zvikuru pasi pechirongwa ichi.

Izvi zvakabuda pamusangano wakavakaita nguva pfupi yadarika kwaMungate kwakare kuDomboshava pasi pechirongwa cheClimate Change Resillience Building Project.

Chirongwa ichi chakatanga mugore ra2017 apo chichitarisirwa kupera munaZvita 2019 uye chiri kukotsverwa nesangano rinoona nezvemadzimai ane vana vakaremara mitezo reZimbabwe Parents of Handicapped Children (ZPHCA), Huairou Comimssion neSwedish International Agency (SIDA).

Vachitaura pagungano iri, Muzvare Theresa Makwara vanova murongi kuZPHCA vanoti madzimai ane vana vakaremara vanosangana nematambudziko akawanda.

Vanoti nyika ino mumwedzi waKurume yakasangana nedambudziko remafashamu emvura aive nedutu mupengo eCyclone Idai kumatunhu anosanganisira Manicaland izvo zviri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

‘Izvi zvinoreva kuti kusanduka kwemamiriro ekunze kuriko nokudaro ibasa redu kuti tinge tichigadzirira kuburikidza nekurima zvirimwa zvinotirira zuva zvakadai semapfunde, zviyo nemhunga,” vanodaro.

Muzvare Makwara vanoti vafundisa madzimai anodarika mazana matatu vekuDomboshava nekwaSeke uko vari kuita mabhindauko emhando iyi.

Sadunhu Tendai Gilbert Mungate vanoti vanotenda zvikuru kuunzwa kwechirongwa ichi mudunhu mavo.

“Muno mudunhu mangu mune madzimai akawanda anova chirikadzi uye nenherera saka ndinovapa minda yekurima nekuti ndizvo zvatinotarisa maringe nenyaya yekuenzaniswa kwemikana. Makare-kare, varume bedzi ndivo vaipihwa minda iri muzita ravo uye kana murume achinge afa mudzimai aibva adzingwa odzokera kuvabereki vake. Iko zvino hakuchina izvozvo tine madzimai akawanda ava neminda iri mumazita avo donzvo riri rekuvasimudzira nekuti ndivoka vari kusara vaine nherera dzinoda kuriritirwa,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *