Vopunduka nemadiridziro muchirimo

Kingstone Mapupu
VARIMI makumi mana vekwaMambo Neuso, kuSanyati vopunduka nechirongwa chemadiridzo chekurima zvirimwa zvakasiyana munguva yose yegore vachitengesa.

Chirongwa ichi cheSeke Irrigation scheme chiri kuitwa kwaSabhuku Makwechere uye varimi ava vari kutora mvura yavo kubva mudhamu reSeke riri mudunhu iri.

Hurumende iri kukurudzira kushandiswa zvizere kwemadhamu ari kumativi mana enyika zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze uko dzimwe nguva kuri kukonzera kuti mvura inaye iri shoma sezvakaitika mwaka wadarika.

Dunhu reSanyati, riri pakati pemamwe matunhu akasiyana munyika anowana mvura yekunaya yakaringana mumwaka wezhizha. Mumwe wevarimi vari muchirongwa ichi, Mai Lainah Manomano (50) vanoti vabudirira zvikuru nebhindauko remadiridziro iri.

“Muchirongwa chedu tine varimi 40 apo murimi woga-woga ane munda wakatandavara hekita imwechete. Mvura yedu inobva mudhamu reSeke umo inofamba nepamusoro pevhu ichiyerera yoga nemumigero. Hatina chatinoda kuti mvura iuye muminda medu, chedu kuvhurira mvura chete wotodiridza,” vanodaro.

Vanoti mvura yemudhamu ravo reSeke haiperi kubva apo rakavakwa makore makumi maviri akadarika.

Muminda iyi munorimwa zvirimwa munguva yose yegore zvinosanganisira chibage, maringazuva, mupunga, gorosi, mbambaira, muriwo, derere, hanyanisi, matomatisi madhumbe, bhinzi, nzimbe nemabutternut.

VaAmos Tongwani (34) avo vari muchirongwa chemadiridziro zvakare vanoti vanotenda Hurumende zvikuru nekuvavakira dhamu iri iro ravandudza hupenyu hwevagari vedunhu ravo.

“Kuno hatina nhamo kuburikidza neminda yemadiridziro iyi, tiri kuvaka dzimba dzakanaka zvikuru uye vana vari kuenda kuzvikoro zvinosanganisira zvebhodhingi. Zvirimwa  zvedu tinoendesa kumisika yekuMutora kwaNembudziya, kuGandavaroyi, Arda, Kadoma, Harare, Chegutu nekumwe. Asi tine vanouya kuzotenga vanobva kunzvimbo dzekure dzakaita sekuBulawayo. Zvirimwa zvedu zvemuchirimo zvinotipa mari yakawanda kudarika muzhizha,” vanodaro.

Dambudziko ravo guru vanoti kushaya zvekutakurisa zvirimwa sezvo vemarori vanovadhurira zvikuru.

“Tine hurongwa hwekuunganidza mari kuti tizotengawo rori inotakura zvirimwa zvedu,” vanodaro.

VaWilliam Neuso (43) – avo vanove gurokota guru raMambo Neuso vari munyori zvakare – vanoti chirongwa chemadiridziro ichi ndechimwe chinoita kuti dunhu ravo rive nechiremerera zvikuru.

“Dhamu reSeke hariperi mvura kubva ravakwa rakatandavara makiromita 18 kuchizotiwo kupamhamha haikona,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *