Kushaina weHatfield Girls High akashaina

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zverurimi rwaamai seShona kana Ndebele kwete kuzvitarisira pasi sezvo zviri izvo zvinoita kuti vana vave nehunhu.
Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wechikoro cheHatfield Girls High School, Mai Mercy Kushaina, apo vakapihwa menduru yekuve shasha mukudzidzisa Shona.

Mai Kushaina vanoti vakapinda basa nechido chekudzidzisa Shona.

“Ndakadzidzisa chidzidzo cheShona kwemakore 20 kuzvikoro zvakasiyana, zvinosanganisira zviri kuMashonaland Central. Ndakazodzidzisa O-Level paSt Phillips Magwenya (kuMashonaland East) kusvika gore ra2013 ndichizobva ndichienda kunofanobata chigaro chemukuru wechikoro paHatifield Girls High,” vakadaro Mai Kushaina.

Mai Kushaina ndivo vakapihwa mubairo wekugona kudzidzisa chiShona nguva yadarika kuvana veO-Level kudunhu reMashonaland Central.

Vakakurudzira vana vechikoro kuti vafarire zvidzidzo zverurimi rwaamai.

“Izvi zvinochengetedza hunhu hwedu zvakare zvichiita kuti vana vawanikwe vachipasa chidzidzo cheShona.

Zvinobvawo zvakare muchido chevadzidzisi muzvikoro, ndiko kuti vana vafarire kunyora nekuverenga chiShona,” vakadaro Mai Kushaina.

“Vana vatiri kudzidzisa ava ndivo vachava vatungamiri vemangwana, vanofanirwa kukura vachikoshesa rurimi rwaamai uye nekuchengetedza hunhu.”

Vanoti rurimi rwaamai harufanirwe kutarisirwa pasi sezvinoitwa nevamwe vanhu.

“Vaimbi vakawanda vari kubudirira vachiimba nechiShona chatinonzwa zvakare ruzhinji ruchinzwisisa zviri munziyo dzavo.

“Nekudaro chiShona ngachiitwe muzvikoro zvose kutangira Zero Grade kusvika kuyunivhesiti. Ngatidade nerurimi rwamai,” vakadaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×