Kushandisa midziyo zvisina njodzi

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
CHERO ririripi basa pamusha kana papurazi, rinoda mushandi akasimba uye ane utano hwakanaka. Pane avo vakamboshanda kana kushanyira hama mumakambani, munoona nzvimbo dzakanyorwa zvekuti hamufanire kunge muchiita zvichizochengetedza upenyu hwenyu.

Pane nhumbi dzinosungirwa kuti murimi kana mushandi ange achipfeka pakuita mabasa rake.

Hovhorosi: inobatsira kuti nhumbi dzatinenge takapfeka dzisatsemuke, kusviba uye kuti mishonga kana zvinocheka zvisasvike paganda redu. Inoita kuti munhu agadzikane mupfungwa nokuti hapana chaanenge achifunga kana kutya.

Ngowani: inodzivirira munhu muzuwa, ine hutsanana, ichiita kuti musoro usaite tsvina. Inoyamurazve kuti musoro usakuvare.

Shangu dzine simbi mberi/majombo: ini ndakambotsikwa chigunwe chihombe chekutsoka ndikaita makore nzara ichirwadza, chero nanhasi haina kumira zvakanaka. Simbi iri mberi kweshangu inobatsira kuti ukadonherwa nechinhu chinorema hauzokuvara. Majombo akanakira kuti munogona kufamba munyoro, mundove kana kupinda mumadhaka musingasemi.

Magirovhusi: aya anobatsira pakubata zvine tsvina musingasemi uye anoita kuti mawoko agare akapfavirira uye achidzivirira kukuvara.

Rain coat/magirazi: Rain coat inoshandiswa kuti musatote nemvura kana mishonga ukuwo magirazi achiita kuti musakuvare maziso zvichibudikidza nekuita mabasa ane twunorauka.

Nhumbi idzi dzinofanirwa kugara dzakachena. Kana iri midziyo, inofanirwa kuchengetedzwa zvakanaka nokuti ikangokandwa chero pese-pese inogona kucheka kana kutouraya munhu.

Midziyo inochengetedzwa sei?

. Inoda gara yakachena

. Rongedzai midziyo pakanaka, pasingakonzerese njodzi sekuiturika

. Midziyo isiri kushandiswa kwenguwa yakareba ngaizorwe oiri (oil) kuti isaite ngura

. Midziyo ngaichengetedzwe pasingatambire vana kana panoitirwa basa

. Verengai midziyo nguva dzose kuitira kuti musarasikirwe nemimwe

Chekupedzisira zvinonzi musana ndiwo munhu. Nekudaro musana unoda kuchengetedzwa zvakanaka.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wesvondorino unoti: ko ringi (ring/band) inorambidzirwei kupfekwa kana tichiita basa remawoko.

Pindurirai mhinduro dzenyu pafomu riri pazasi motevedza zvinodiwa.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×