Kushandiswa kwemutongo munyaya dzemhuri

Danai Chirau —
KUNZE kwekunge kana munhu ari gweta, matare edzimhosva ndiwo kazhinji anoshandiswa mukugadzirisa nyaya dzakasiyana dzinenge dzichinetsa pakati pevanhu.

Vanhu vakawanda vanofunga kuti mutemo unotora matanho vachikanganwa kuti vanofanira kuzoronda zvinenge zvaturwa mumutongo nedare, zvikuru kana richinge ratonga rakarerekera kudivi ravo.

Mutemo unoda kuti munhu ange achimhan’ara nyaya nenguva uye kuti vanhu vatevedze zvose zvinenge zvabuda mudare, zvisinei nekuti zvakanaka kana kuti kwete.

Kana mutongi achinge apa mutongo, mativi ose ane kodzero yekupa pfungwa dzawo kana kupokana nezvinenge zvabuda. Kana paine chikwereti chemari, dare ndiro rinozotaura kuti ndiyani anofanira kuibhadhara uye nenzira ipi, zvimwe chetezvo kana iri nyaya yekugovewa kwemidziyo.

Vamwe vanongofunga kuti kana mutongo uchinge wapihwa zvinenge zvataurwa nedare zvaringana pachinzvimbo chekuti vatore matanho ekuona kuti mutongo wacho wazadziswa.

Somuenzaniso, kana mumwe wevabereki achinge apihwa nedare kodzero yekuchengeta mwana, anofanira kutora matanho ekuti ange achigara nemwana uyu uye kuenda kudare zvakare kana achinge asangana nezvimhingamipinyi.

Vamwe vanhu vanofunga kuti hapana zvimwe zvavangaita kana mutongo uchinge wapasiswa nedare vaine pfungwa dzekuti zvinhu zvichangoita zvoga.

Somuenzaniso, Nyarai anogona kupihwa chikamu che40 percent nedare pakugovewa kwemidziyo mushure mekurambana nemurume wake Totonga kunyangwe zvazvo mudziyo uyu wakanyoreswa muzita remurume wake.

Mushure mekurambana nemurume wake muna 2000, Nyarai anoramba achigara muimba yewanano.

Muna 2012, Totonga anotora chikwereti kubhengi reBarclays Bank achishandisa imba iyoyo sechibatiso. Totonga anokundikana kubhadhara mari yechikwereti iya izvo zvinoita kuti bhanga ritengese imba iya kune imwe mhuri.

Nyarai anomuka mumwe musi achitambidzwa tsamba nemagweta anomiririra bhanga iri achinzi abude muimba iyi mukati memazuva manomwe. Nyarai anoomerwa nemamiriro ezvinhu aya.

Vanhu vakawanda vanosangana nenyaya dzakadai uye Nyarai ave nechokwadi chekuti pane zvimwe zvinhu zvakakosha zvaaikwanisa kuita mumakore 16 adarika.

Panorambana vanhu, matare edzimhosva anovapa mikana nenzira dzekugoverana midziyo. Pane mikana yekutengeswa kwemidziyo yogoverwa pakati pevaviri zvichienderana nezvikamu zvinenge zvatarwa nedare.

Dare handiro rinotengesa midziyo asi vanhu vari munyaya ndivo vanotsvaga vanovabatsira mukutengeswa kwemidziyo.

Zvakakosha kuti midziyo inge ichinyoreswa kwaRegistrar of Deeds kuti vange vachibatsirikana.

Zvimwe chetezvo nemendenenzi, kana mwedzi wapera mari isina kuiswa kubhanga remumhan’ari, zvinoreva kuti anokwanisa kuenda kwaClerk of Court kunomhan’ara kuti munhu asungwe.

Kana nyakumhan’arirwa mendenenzi ari munhu anoshanda, dare rinopa magwaro ekuti ange achibatirwa mari yake papeyi yake.

 Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×