Handiperi zvekumhanya: Marabha

Malven Mugadzikwa —
SHASHA yekuekita mitambo yemadhirama – Charles Mirisi ‘Marabha’ Mupalume – anoti achirimo mundima uye ari kuenderera mberi nekubika mitambo yakasiyana-siyana.

Marabha anotaura izvi mushure mekubudisa mutambo wake mutsva unonzi Rine Manyanga Part 2 uyo unotevera mumwe waakatsikisa gore rino zvakare – Rine Manyanga Part 1.

“Veruzhinji vangati ndapera asi handisati, ndingati ndiwo mafungiro avowo havo avanenge vachiita. Kurwara chete ndiko kwakambondibata gore rapera asi parizvino ndakazobatsirwa ndikapora izvo zvakaita kuti ndibudirire mukubuditsa mitambo yangu miviri iyi,” anodaro Marabha.

Marabha anoti mutambo wake mutsva uyu akauita nevatambi vakasiyana-siyana vane mukurumbira wekuekita madhirama vanosanganisira Jeffrey “Aphiri” Chikwesere, Bhabhalasi pamwe nemuimbi – Soul Jah Love.

Anoti mutambo uyu vakaugadzira nenzira inosetsa (comedy) uye unopa dzidziso kumadzimai nevarume vari muwanano.

“Mutambo uyu une dzidziso hombe maererano nekuchengetedza wanano pakati pevakaroorana. Unodzidzisa madzimai kuti asaita gumbo mumba gumbo panze kunyanya kana vanababa vaenda kumabasa. Kune madzimai ane tsika iyi uye vamwe varumewo vane tsika yekuita chipfambi nemamwe madzimai vachisiya vavo mudzimba. Tsika idzi dzakaipa mukugarisana medu pachivanhu. Takatora nzira yekuekita kuti tibudise dzidziso iyi kuti veruzhinji vachengetedze wanano dzavo,” anodaro Marabha.

Anoenderera mberi achiti, “Nenyaya yekuekita kwandinoita ndichinyanya kuita zvinosetsa, vamwe vanofunga kuti ndinopenga uye kune vakambofambisa mashoko akadaro. Ndinoda kuti ndizivise vatsigiri vangu kuti mashoko aya ndeemanyepo hakuna zvakadaro. Kutaura kwevanhu vanenge vasingazivi kana vanoda kudzikisira zita rangu nebasa rangu,” anodaro.

Marabha anoti vari kutarisira kubuditsa mumwe mutambo mutsva munguva pfupi iri kutevera.

Zvakadai, muchinda uyu anoti vari kusangana namatambudziko akawanda ayo anosanganisira kushaya vakotsveri nemari yekutsikisa mitambo yavo. Anoti zvakare imwe nyaya yanyanya kuvadzorera kumashure ndeyekutengeswa kwemabasa avo pamusika wemukoto nenzira yepairesi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *