Kusimbisa mhuri: Baba

VaLeopold Panganayi vachipisa mishonga yavo pachechi
VaLeopold Panganayi vachipisa mishonga yavo pachechi

BABA vaClara vari kureurura mabasa avo akaipa, kusanganisira kushandisa mishonga yakaita sekugezesa vana vavo pavaive vadiki nemvura yavaitanga vashambidza nhengo yavo yesikarudzi.

Murume uyu anoti aiita izvi mushure mekupihwa mazano nedzimwe n’anga achinzi inzira yekusimbisa vana vake uye kuti vazove nerombo rakanaka mune ramangwana.

VaLeopold Panganayi (79), vakareurura nyaya iyi kuchechi yeHouse of Grace International Ministries, paMachipisa, kuHighfield muHarare.

Mai Edith Panganayi (56) vanotiwo kwemakore akawanda, apo vaigara nemurume wavo, upenyu hwavo hwaiva hwekubatiswa mishonga.

“Takabereka vana gumi nevatatu nemurume wangu. Murume wangu aindimanikidza kumugeza nhengo yesikarudzi yake, ozondipa mvura yacho iyo ndaisanganisa neimwe mvura ndichigezesa vana,” vanodaro Mai Panganayi.

“Vana vose ndakavageza nemvura iyi ndichifunga kuti zvaibatsira. Iye zvino vapenyu vasara vasere, vose vakazoziva nyaya iyi vakura. Pamusha pedu hapana mwana anga achiri kuuyapo vachitya dakara ndakazotsvaga rubatsiro kuchechi.”

Vanoti murume wavo akavabatisa zvinhu zvaiyera mukurarama kwavo.

“Takaunganidzana nevamwe vana vangu tikaenda kuchechi uko baba vakanorasa zvinhu zvavo zvikapiswa,” vanodaro.

“Kubva baba pavakanorasa mishonga iyi, vamwe vana vakanga vasisauye kumusha vava kudzoka.”

Mhuri iyi yasara nevanakomana vaviri nevasikana vatanhatu.

VaPanganayi vakataurwa navo panhare yemudzimai wavo vari kuBikita vakati: “Ndaishandisa mishonga yechivanhu, mimwe yacho yaikuvadza. Zvekugeza nhengo yangu ndichizopa mudzimai wangu mvura yacho achigezesa vana vedu apo vaiva vadiki ichokwadi.

“Ndinoti aiva mabasa erima andaitumwa kuita nen’anga. Ndainzi zvaiita kuti vana vasimbe uyewo nekuti vasazorwara nekuita rombo rakanaka kunyange kuwana mabasa mukurarama kwavo.”

Vanoti iye zvino vave kunamata.

“Zvekubata mishonga hapasisina, hamheno kana paine chakasara. Ndinoda kuti ivo Prophet (Hungwe) vauye kuno kumusha kwangu vakasununguka kuzochibvisa nekuti ndave kugara upenyu hwakanaka,” vanodaro. “Ndaisevenza kuBulawayo uko ndaishanda nen’anga mbiri kutsvaga mishonga nekurapa. Mugore ra1964 ndakasangana naDr Banda vekuMalawi naMaphosa apo ndaishanda basa rekudzvura mishonga yavaizopa vanhu.

“Ndaiendawo navo musango tichinochera mishonga uye ndaiva samakumbi kana kuti saucerer. Handina mushonga wechivanhu wandisingazive, handina zvakare mishonga yandisina kubata.

“Amai vangu vakazoshaikawo vaiitawo zvemishonga yechivanhu asi ndinoti zvose zvakapera, ndakaenda kunozvipira kuchechi nemhuri yangu tikabatsirwa.”

Vanoti mishonga iyi yaivakonzera kusawirirana nemukadzi wavo sezvo vaigara vachirwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×