
MUKADZI wechidiki wekuBikita, kuMasvingo ari kuti iye nevamwe mumhuri yake vagurwa kunorira “nezvinhu” zvakarombwa nevabereki vavo, izvo zvinomuita kuti agare achiyamwiwa nezvaasingazive kuti zvii.
Mukadzi uyu, Clara Panganai (23) anoti mushure memazuva matatu oga-oga, anoita seari kurota achiyamwiwa mazamu nezirume raasingazive.
Izvi hazvingoperera kuhope bedzi, asi kuti paanopepuka anonzwa sezvange zvichitonyatsoitika. Ane fungidziro huru yekuti ndizvo zvinoita kuti iye nevamwe vanasikana vashanu vemumba mavo vasaroorwe kana kugara kuvarume.
Clara anoti kushandiswa nezvinhu izvi semukadzi ndiko kwakaita kuti atizwe nemurume wake uyo waasingazive kuti akaendepi.
“Handipedze mazuva matatu ndisina kuitwa izvi, kurota ndichiyamwiwa nerume randisingaoni kana kuziva. Zvinoitika nguva nenguva uye izvi ndizvo zvakaita kuti nditizwe nemurume wangu uyo wandisingazive kuti akaendepi,” Clara akaudza Kwayedza amai vake varipo.
Mwanasikana uyu anoti vabereki vake vakaromba mishonga yava kungonzera kutambura mumhuri yavo.
Amai vaClara, Mai Edith Panganai (59) vanodurawo kuti ivo nemurume wavo, VaLeopold Panganai, vane mishonga yechivanhu yakaipa, iyo yavasisade nechikonzero chekuti iri kukonzera matambudziko kumhuri yavo – kusanganisa kusaroorwa kwevanasikana.
Nyaya iyi yakabudira kuchechi kwava kunamata Clara, kuHouse of Grace International Church iyo inotungamirirwa naProphet Sham Hungwe.
Clara anonzi akafumura zvekubata-bata kwevabereki vake kuchechi uku.
Amai Panganai vanoti vane mishonga yavanoshandisa pamwe chete nemurume wavo mukubatsira vanhu, vachiti havanyatsoziva kana iri iyo inokonzera matambudziko kuvana vavo.
Achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika, Clara anoti: “Ndakangoti ndigere muchechi muporofita ndokunditi amai imi ndiri kuona hamusi kuwirirana naamai venyu. Munofanira kuuya navo kuno kuchechi vazoreurura. Akati amai vako havasi kufara, uye une hanzvadzi yakatsakatika iri kupenga pari zvino. Unofanirwa kuuya navo ndikubatsirai.”
Clara anoti ane hanzvadzi inonzi Mike, iyo yakatsakatika makore 15 adarika.
Anoti iye nevabereki vake vagara vasingawirirane sezvo achifungira kuti vanobata-bata.
“Amai vangu munhu wekuti kana akagumbuka anopopota zvisingaiti. Ndakagara ndichingovafungira, vose nababa, kuti vane mishonga yakaipa inotidzokera isu vana.
“Amai vakasungisana nevamwe sisi vangu kasingaperi nekuti vaiti vakapa vana vasisi vangu hembe, sisi kana vava kuda kutora vana vavo, vainzi hembe dzemwana iyeye hauendi nadzo, dzinosara. Vakambotoresa mwana wasisi vangu birth certificate asi pavakanetsana vakabva vabvarura zvose nemapepa ekuchipatara ekuzvarwa kwemwana.
“Sisi vangu pavakapedzisira kunetsana naamai vaida kutora mwana wavo kuti vaende naye asi amai vakaramba. Chinondishamisa ndechekuti mwana uyu ane hurema, saka sisi vaida kumbofamba naye asi amai vakaramba.
“Ndipo sisi vakati muri kuda kusara nemwana wangu kuti mumuite chikwambo. Amai vakamuvimbisa kuti kwaachaenda haadzoke uye haana chaachabata chinobudirira,” anodaro Clara.
Anoti kubva pakaenda mukoma wake uyu makore maviri adarika, nanhasi havasati vamuona uye havazive kuti mupenyu here.
Clara akaenderera mberi achiti zvimwe zvinomushamisa ndezvekuti mukukura kwavo, vakatama kasingaperi uye hama dzavo hadzidi kuvaona.
Anotizve imwe hanzvadzi yaamai vake yakafa zvisinganzwisisike icho chinogara chiri chitukiso pakati pevabereki vake.
“Pane hanzvadzi yavo yavaitevedzana nayo, iyo yavakanetsana nayo tichiri vadiki. Pavakanetsana hanzvadzi iyi yakauya ichibva yapisa imba yedu vakamuvimbisa kuti haachararama. Hapana kupera mazuva hanzvadzi iya ichibva yafa.
“Baba pavanonetsana naamai pose vanovati ndokusaka wakauraya hanzvadzi yako uye havapedzi zuva vasina kuzvitaura, isu vana tichinzwa. Isu patakakura, pose vachitukana kudaro taingoti pamwe kutukana kwevakuru.”
Clara anoti amai vake vanoti vanobatsira vanhu vechikadzi vasina mbereko nemishonga yekuvauchika kuti vaite vana.
“Inini pandakaroorwa, ndakaita gore ndisingaite mwana kusvikira ndazonetsana naamai kuti vandibatsire, ndipo pandakazobata pamuviri. Rimwe dambudziko guru nderekuti mumba medu tiri vasikana vatanhatu asi tose hatisi kuvarume. Tikaroorwa hatigare kuvarume kwacho. Asi apo amai vanoti vanopa vanhu mishonga yekuti vagare pavarume.
“Vanakomana mumba medu vaviri, mumwe wacho ndiye asiri kuwanikwa ari kunzi ava kupenga. Akanga asara wacho pari zvino ari kujeri kuBikita nekuti akanga ava kuda kucheka amai nebanga achivati varoyi vaikonzera kuti tisaita upenyu hwakanaka.
“Amai vangu vakabvuma pamberi pemuporofita kuti kune mishonga iri kumba iyo vakati vakasununguka kuti inotorwa ipiswe. Muporofita vakati kune nyoka yavari kuona iri kumba kwedu iri kushandiswa nababa naamai mukubatsira vanhu kwavanoita,” anoenderera mberi achidaro Clara.
Anoti kuromba kwevabereki vake kunoita kuti vasawirirane nevemumhuri yavo.
Mai Panganai vakabvuma kuKwayedza kuti vanobata-bata mishonga. Vakabvuma zvakare kuti vakapupura pamberi pechechi kuti pane mishonga yavaishandisa pamwe chete nemurume wavo mukubatsira vanhu.
“Murume wangu, Leopold Panganai, akamboshanda neimwe n’anga kuBulawayo, ndiko kwaakawana mishonga yatinoshandisa nanhasi. Murume wangu anonditi hakuna mushonga waasingazivi.
“Taitambura zvikuru nemurume wangu, ndizvo zvakazotituma kuti titange zvemishonga izvi. Murume wangu akangotanga achindiudza mishonga yemidzi yaaichera nekuti inoshandiswa sei ndichibatsirawo vanhu vechikadzi.
“Tairarama nekutengesa mishonga. Mukuita izvi, vana vangu nematambudziko avaisangana nawo, ndipo pavakatanga kunditi ndinoroya. Ini handina mushonga wehuroyi wandakabata asi kuti zvose ndinoita sekutaura kunenge kwaitwa nemurume wangu sezvo ari iye anoziva mishonga yose.
“Pane mimwe mishonga yavanoshandisa yandisinganzwisisi asi ivo vanenge vachiti kubatsira vanhu. Handizozivawo kuti ingave ine chekuita nekukanganisa vana here,” vanodaro Mai Panganai.
Vanotsinhira mashoko aClara ekuti vana vavo vose, vakomana nevasikana, hapana anoita zvinhu zvine pundutso.
Zvisinei, vanoti havakwanise kupedza matambudziko ari kusangana nevana vavo, kusanganisira kusaroorwa kwevanasikana.
“Muporofita uyu hapana chaakasiirira mukutaura kwake. Ichokwadi kuti ndine mishonga iri kumba yandinoshandisa mukurapa kwangu nekubatsira vanhu. Nekuda kwekufumuka kwazvaita, ndakasununguka kuti muporofita auye kumba kwangu kuBikita kuzoibvisa nekuti ndava kuda kurarama upenyu hwakasununguka nekupedza matambudziko evana vangu.”
Vakaenderera mberi: “Ndava kuda kugara ndichiwirirana nevana vangu nekuti mishonga iyi ndiyo yakagura hukama pakati pangu nevana pamwe chete nevehukama. Ndinoda kuti mishonga iyi itorwe iraswe kana kuti yobva yapiswa.”
Achibvunzwa nezvenyaya iyi Prophet Hungwe anoti kune vamwe vanhu vanotora mishonga vasingazive kuti ndeyekuromba, iyo inozokanganisa vamwe.
“Vakatora huroyi nekusaziva. Idambudziko riri kuvanhu vechikuru vakawanda. Vazhinji vavo vaitora mishonga yekuti vaite raki vasingazive kuti kuzviparira.
“Vakatora mishonga vachida kutsvaga mari vasingazive kuti zvichabata mhuri yavo. Ndizvo zvava kudzoka kuvana vavo. Matambudziko ose ari kusangana nevana vavo anobva pamishonga inobatwa nevabereki vavo. Vane mushonga unoita vana vavo madzimai izvo zvinoita kuti vasaroorwa kana kugara nevarume,” anodaro Prophet Hungwe.
Panguva yakadhindwa bepanhau rino Hungwe pamwe chete nevamwe vechechi yake vakanga vachigadzirira kunobvisa zvinhu izvi pamusha wekwaPanganai kuBikita.



