Kutambira muenzi nemvura

Muchaneta Chimuka
MUNYIKA muno, dunhu rimwe nerimwe rine tsika dzarinotevedza idzo dzinosiyana nzvimbo nenzvimbo.

Semuenzaniso, kwaMutoko vanhu vechiBuja kana muyenzi asvika pamusha, haakumbire mvura asi kuti anongotambirwa kana kugamuchirwa nekupihwa mvura pasati paitwa tsika yekukwazisana.

Kwayedza yakashanyira dunhu iri ikaita hurukuro nevagari veko kuti inzwe kuti tsika iyi yakakosherei.

“Kana muyenzi angosvika pamusha, chekutanga tinomutambidza komichi yemvura tozobvunzana mufaro. Chikonzero chekupa mvura ndechekuti pamwe munhu anenge abva rwendo rurefu ava nenyota saka hazvikodzere kuti aite zvekukumbira mvura. Tsika iyi tinoikoshesa zvikuru kuno,” vanodaro VaTonderai Nyamvura.

VaAllen Mukwereza (60) vanoti tsika yeVaBuja iyi yakatosiyana nekwaMurehwa avo vavanoganhurana navo.

“Kuno muyenzi haaite zvekumumbira mvura sezvinoita maZezuru sekwaMurehwa, anongotanga nekupihwa mvura. Tinotozosara tokwazisana atonwa mvura nechekare.

“Iyi itsika yakabvira pasichigare uye kana ukatoona kuti ane nzara, unototanga wamukurungira bota dete-dete, kana apedza wozomubvuwira (kubikira sadza).

“Kana aguta uye ambofema zviya, ozotaura hake nhunha dzake kana nyaya dzaanenge afambira totangira ipapo,” vanodaro VaMukwereza.

VaMoses Nyachoto (35) vanoti muyenzi munhu anenge afamba rwendo saka zviri pachena kuti anogona kunge atova nenyota. Nokudaro paanongosvika pamusha, anobva apihwa mvura kuti apedze nyota.
“Tsika yekupa vayenzi mvura ichiri kuitwa uye haiperi zvachose muno maMutoko mumabBuja. Ndorudzi rwedu.

“Hazvinei nekuti tava nevaroora vanobva kune mamwe matunhu, tinoramba tichiedza kuti tione kuti tsika iyi yaramba iripo. Muyenzi anogona kunyara kukumbira mvura saka tikashandisa njere dzedu kuti munhu anogona kuda mvura, tinenge tachengetedza upenyu.

“Tsika idzi ndidzo dzakatichengetedza kuti tisvike patiri nhasi uno,” vanodaro Councilor C. Kuona (70).

VaChris Nyamhamba (65) vanoti kubvira pasichigare, vayenzi vose vanopinda maMutoko vanotambirwa nemvura yekunwa.

“Mvura ndiyo upenyu saka tinotanga kupa upenyu kumuyenzi kuitira kuti asafira mumusha medu nekuti inenge iri ngozi. Mumwe muyenzi anenge ari munhu ari kutobvunza nzira asi anogona kusvikira pamusha pako saka ibasa rako iwe samusha kuchengetedze upenyu hwake nekuti pane chese chinoitika ari pamusha pako, ndiwe unenge wava kufanira kuzopupura,” vanodaro Ishe Nyachoto vemunzvimbo iyi.

Kune mamwe matunhu, muyenzi kana achinge aenda kunzvimbo yaasingazivikanwe, anotanga aperekwa kwashe kana kwasabhuku uye vanhu vanototya kumupa chikafu kana mvura nekuti vanenge vachiti mutorwa.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *