Upfu hwadzika mutengo. . . asi makoronyera ohututa muzvitoro

Muchaneta Chimuka

ZVIMWE zvitoro zvemuguta reHarare zviri kutevedza zvakataurwa neHurumende kuti zvidzikise mutengo weupfu kunyangwe zvazvo kuine zvimwe zvisati zvadzikisa mutengo zvichipa zvikonzero zvakasiyana.

Ongororo yakaitwa neKwayedza neMuvhuro uno muHarare inoratidza kuti zvimwe zvitoro zvinosanganisira OK zvadzikisa mutengo weupfu.

Muzvitoro izvi, 10kg yeupfu hweRoller Meal iri kutengeswa $50 apo 20kg ichiita $100.

Upfu uhwu husati hwaderedzwa mutengo, hwanga hwava kuita kubvira pa$99 kusvika $127 pa10kg izvo zvange zvoomera veruzhinji.

Asi, zvimwe zvitoro hazvisati zvaderedza mutengo weupfu uye zviri kupa zvikonzero zvekuti hazvisati zvapedza kutengesa upfu hwazvakahodha nemutengo wepamusoro.

Zvisinei, kune mamwe makoronyera ari kutora mukana wekuderedzwa kwaitwa mutengo weupfu vachihutenga hwakawanda, vazonotengesa nemutengo uri pamusoro.

Kwayedza yamema muzvitoro zvikuru zviri mukati meguta ikaona kuti kune vanhu vari kuita katsika kekuhodha upfu.

Munyori uno akapinda muzvimwe zvitoro zviri kutengesa upfu, ndokumira mumutsetse sevamwe vatengi, asi akadzidza kuti kune chikwata chemadzimai nevarume avo vari kutenga upfu uhwu kakawanda vachinochinja kana zvipfeko senzira yekuvhiringa vatengesi avo vanoti munhu mumwe chete anofanira kutenga 20kg kana 10 kg imwe chete bedzi.

“Nhasi tinotoita mari nekuti upfu hwava kudhura maningi (zvakanyanya). Tingadii, ndiwo mukana wacho uyoyu? Tichatogara takapisa mari dzedu nekuti mangwana hunogona kubuda zvakare.

“Tinoziva kuti ‘January Disease’ chinenge chakachaya vanhu vanenge vasisina mari nekuda kwemafizi saka ndipo patichahuburitsa zvedu toruka mari,” anodaro mumwe mudzimai achiudza mumwe wake.

Panguva iyi, vashandi vemuchitoro vanga vari mushishi kugovera vanhu upfu huchibva muimba yahunochengeterwa kuti vazoenda nawo kunobhadhara.

Pasina nguva, upfu hwabva hwanzi hwapera zvisinei nekuti hwakapihwa kuvanhu vasingadariki makumi mashanu.

Humwe upfu hwakadai seSuper Refined neNgwerewere uhwo huri kuita $117 pa10kg ne$215.75 pa20kg hwaisawana vatengi sezvo hwagara huine mitengo yepamusoro, kusara kwevashoma vanohuda.

Zvichakadai, muzvitoro zveOK, munhu ari kutenderwa kutenga ma10kg maviri eupfu hweRoller Meal kana kuti 20kg yakabatana.

“Upfu hwacho ngahungouya hwakawanda tinongotenga matengero ataingoita mazuva ose. Zvino kana vakaita zvekuti tsvoti seizvi, ndizvo zvinokonzeresa. Taneta nekutenderera muzvitoro tichingoudzwa kuti hwapera upfu hwacho,” vanodaro VaSimon Mwenderera vekuMabvuku.

Vamwe ndivo vanoti Hurumende ngaisaderedza mutengo weupfu bedzi, asi kuti nezvimwe.

“Kutaura chokwadi mari dzatinotambira hadzisi kutikwanira saka tinokumbira kuti Hurumende ideredze mitengo yezvinhu zvinodiwa mukurarama. Paupfu tinotenda zvikuru nekuti hwakakoshera mhuri asi shuga, mafuta, kana nemunyu chaiwo zvichakakwira. Ko izvo zvitoro zvemaPeople’s Shop zvavaiti vachavhura zviripi nekuti zviri kutodiwa panguva ino?” vanodaro Mai Mufaro Marava vekuSunningdale 2.

Zvisinei, veruzhinji vari kutambira nemaoko maviri danho rakatorwa neHurumende uye makambani anogadzira upfu veGrain Millers Association rekuti upfu huderedzwe mitengo.

Gurukota rezvemari, Professor Mthuli Ncube, svondo rapera vakazivisa kuti sangano reGrain Millers richatenga chibage kudura guru reGrain Marketing Board (GMB) ne$4 000 patani apo chimwe chikamu chemari chichizobhadhara nehomwe yenyika zvichienderana nehuwandu hwechibage chinenge chatengwa uye zvinodiwa mubasa rekugadzirwa kweupfu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×