Kuunzwa kwefodya kumisika kwoderera

Tawanda Musarurwa naKudakwashe Mhundwa
MITENGO yefodya yakadzikira iri kuita kuti varimi vasaunze fodya yavo yakawanda kumisika yakasiyana vaine tarisiro yekuti mitengo iyi inogona kuzokwira nekufamba kwenguva.

Magwaro ane kambani yeTobbaco Industry and Marketing Board (TIMB) anotaridza kuti fodya yatengeswa kusvika parizvino makgs anodarika 101 miriyoni achikoshawo mari inosvika US$184 miriyoni iyo inove yakadzikira kana zvichienzaniswa neyaive yatengeswa panguva imwechete mwaka wadarika.

Fodya yatengeswa kusvika parizvino yakadzikira nechikamu che20 percent kana zvichienzaniswa neyakatengeswa mwaka wadarika iyo yaive makgs 107 miriyoni achikosha US$361 miriyoni.

Fodya yaiunzwa kumisika yakasiyana iri munyika muno pakatanga mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi yaive shoma sezvo varimi vaida kumboona kuti mitengo yacho ichazokwira zvakadini.

Nerimwewo divi, vamwe varimi vakange vasingafadzwe nemutengo yefodya iyo yaive yakaderera.

Fodya yakatanga kutengeswa nemusi wa20 Kurume apo makgs 3 888 akatengeswa pazuva iri kana zvichienzaniswa ne165 000 kgs akatengeswa pazuva rimwechete iri mwaka wadarika.

Mutengo wefodya wepakati nepakati pazuva rekutanga iri mwaka uno waive US$1,83 pakg kana zvichienzaniswa neUS$2,2 yaibhadharwa pazuva rimwechete iri gore rapera.

Magwaro ane TIMB anotaridza kuti mitengo yefodya haina kunyanya kukwira mwaka uno.

Mutengo wefodya wepakati nepakati iUS$1,72 pakg kana zvichienzaniswa ne$2,76 pakg panguva imwechete mwaka wadarika.

Mutengo wepamusoro-soro kusvika parizvino iUS$5,10 pakg kana zvichienzaniswa neUS$6,22 gore rapera.

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *