ZVICHITEVERA kuziviswa kwezvakabuda mubvunzo dzeZimsec dzeO- neA-Level dza2014, vana vane chitsama vakatumira mashoko avo vachitenda bepanhau reKwayedza nezvikamu zvaro zvakananga kubatsira vadzidzi veShona.
Vana vechikoro vanoti vakabatsirikana zvikuru nezvinyorwa zvinobuda mubepanhau rino, izvo zvavanoti zvakaita kuti bvunzo dzivarerukire uye kuti vabudirire. Kunze kwekudzidzisa nekukurudzira tsika nemagariro akanaka, Kwayedza ine chikamu cheDenhe Reruzivo, icho chakanangana nekupa vana vechikoro mazano neruzivo rwunoita kuti vabudirire pabvunzo.
Pazazi ndezvakabva kuvana vepaKotwa High kuMudzi, zviri sezvazviri, avo vari kutenda Kwayedza:
PRIDE MUPFUPI:
Ndinonzi Pride Mupfupi ndakaita “A” level paKotwa High School. Ndakaita 11 points, Shona ndikaita 5 points. Ndakambowana mubairo wekunyora nhetembo yakanzi “Chokwadi haikunanzve” munaZvita 2013, mumakwikwi eKwayedza Detemba Tinzwe. Izvi zvakandibatsira kuti ndifarire Shona zvikuru. Kazhinji shungu neShona dzaidzikira nokuda kwekushorwa nevamwe vana asi Kwayedza yakasimudzira mweya wangu. Zvakaita kuti ndione kuti neShona unosvika kure. Kubva ipapo ndakatanga kuverenga Shone zvikuru. Nekuonawo vakuru veShona vakaita saVaMabasa, VaManjiche naMai Chisamba zvakandipa tariro. Ndinovimba nebira reShona rakaitwa pachikoro pedu zvakasimudzira vana vazhinji. Ndinotendawo muzvare Mudhombo nekutikokerawo chirongwa chakadai. Bepa reKwayedza raiuya vhiki roga roga pachikoro tichiverenga zvose zvaidzidziswa zvikatibatsira pabvunzo dzedu. Ndinotenda Kwayedza rakandisimudzira pazvakange zvorema.
* * *
BRENDA MUTAUNDI:
Ini ndinonzi Nyanduri Brenda Mutaundi. Ndakawana mubairo kubva kuKwayedza kubudikidza nekunyora detembo rangu raiva nemusoro wekuti “Ndini muyamuri ndiwe muparadzi” iro rakakunda mumakwikwi eDetemba Tinzwe muna Kurume gore radarika 2014. Ndinoda kuzvitenda nekuti zvakandibatsira kuti ndiwedzere kufarira mutauro wechiShona uyewo ndifadzwe nekuinyora. Ndakatangawo kuiverenga kuburikidza nepepanhau rataigashira svondo rega rega uye ndaisada kurishaya. Ndinozvitenda uye ndicharamba ndichifarira chiShona nekubatsira vamwe kuti vagone mutauro weCHISHONA. Ndakaonawo kuti muShona mune mari kuburikidza naVaMabasa naAmai Chisamba. Ndatenda.
* * *
RUMBIDZAYI MANDINYENYA:
Ndinonzi Rumbidzayi Mandinyenya, ndinoda kutenda Kwayedza yakandibatsira zvikuru zvakaita kuti ndigobudirira murugwaro rwangu rwechitanhatu. Kwayedza yakandibetsera zvikuru zvakaita kuti ndibudirire. Yakandibatsira kugona kuongorora mabhuku ataiita. Ndakakwanisa kugona kushandisa zvimiso nezvifemeso uye kunyora Shona yakanaka kubudikidza nekuverenga mapepa eKwayedza. Ndinotenda VaMabasa vaitanga vaongorora nhetembo dzangu vodzigadzirisa pandainge ndakanganisa. Zvakandibetsera kugona kuongorora nhetembo uye kunyora muchiShona chakanaka. Ndatenda.
* * *
GRACE JON:
Ini ndinonzi Grace Jon ndinoda kutenda weKwayedza nebepanhau rakandibatsira kuti ndigone chiShona chakanaka izvo zvakaita kuti ndibudirire mubvunzo dzangu ndisingakanganwe kutenda Muzvare Mudhombo vanoti pamberi neShona. Ndatenda.
* * *
VERONICA MAZHINDU:
Ndinonzi Veronica Mazhindu. Ndakabatsirwa zvikuru neKwayedza kuti ndizokwanisa kubudirira mubvunzo dzangu dzechitanhatu. Ndaiverenga bepanhau nguva dzose uye ndichiri kuriverenga zvinova zvakandibatsira kuti ndive neruzivo rwakakwana ndikazokwanisa kugona kunyora rondedzero pamwe nekugona kupindura mibvunzo yenhetembo zvine ungwaru, ndisingakanganwi kutenda Muzvare Mudhombo, vakatibatsira zvikuru tikayambuka, vakashandisa hunyanzvi nehudobi dobi ndinoti Mwari awaitire zvakanaka. Ndatenda.
***



