Muporofita wekuuraya netsono oti . . .‘Ndaishandiswa nemadhimoni’

MUPOROFITA wekumbobuda pachena achizviti ane simba rekushandisa tsono kuuraya munhu ave kuti mabasa ake aya kushandiswa nemweya wetsvina — madhimoni.

Passmore Chinovava (28), wekupurazi reChigomo, kuMt Hampden, uyo akaita mbiri achinamata chechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku yeNyenyedzi Nomwe apo aizviti muporofita ane simba rekusevenzesa tsono kurwarisa kana kuuraya munhu, anoti akasiyana “nemabasa akaipa” aya. Anoti zvino ave kutungamirira chechi yeChristian Ministries.

Murume uyu, uyo aimbozivikanwa nekunzi Madzibaba Passmore kana kuti Madzibaba Prangadai, anoti musambo wasanduka sezvo ave kunzi Prophet Passmore Chinovava zvichifambirana nezvinodiwa nesangano rake idzva.

Chinovava akambobuda muKwayedza nguva yadarika apo akadura kuti aiva nyanzvi munyaya dzekudzosera zvakaipa sezvipotswa kune vanenge vakonzeresa matambudziko achishandisa tsono, reza nedzimwe mhiko, zvikuru kune vaye vanoshandisa mishonga yekukuvadza kana kuuraya.

Panguva iyi, Chinovava akati haaiona paine chakaipa mukudzosera munhu zvinhu zvakaipa zvaanenge atumira kune mumwe munhu.

“Kudzosera munhu anoroya mumwe kuti chakaipa chiende kwaari hazvina ngozi, anenge azviuraya oga,” akabuda munhau achidaro paakatanga kutaurwa naye nguva yadarika.

Nyaya yemuporofita uyu yakaita kuti vaverengi vakawanda vachaye nhare kuKwayedza vachimutsvaga, vamwe vacho vachiti vaida kubatsirwa kudzosera zvinhu zvaivapa minyama nekuunza rufu kuvaridzi vazvo.

Asi Chinovava anoti asanduka, haachada kuramba achishandiswa nemadhimoni, ndokubuda pachena kuti panguva iyi aishandiswa nemweya wetsvina sezvo mweya mutsvene uri wekuporesa, kwete kuuraya.

Kusiyana nakare, Chinovava ave kuverenga Bhaibheri izvo zvaaiti zvakan’ora apo ainge achiri mupositori.

“Ndava kupfekawo masutu nembatya dzakanaka ndichinamatira vanhu uye magemenzi handichaada asi ndinoachengeta zvangu kuitira nhoroondo yechinamato changu nekwandakabva nako, handiapise. Iye zvino pane zvose zvandinoita ndinodzorwa neBhaibheri asi handinyanye zvangu kushora mapositori,” akadaro Chinovava.

“Kunamata kwakangofanana nemunhu ari pabasa, hazvireve kuti pane chitsva, sezvinongoita mudzidzisi kana mudhomini akachinja chikoro kana kwekushandira anoramba ari mubasa rimwe chete. Saka handina chitsva mubasa rangu iri.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×