Kwenda High School yosusukidza STEM

CHIKORO cheKwenda High School icho chiri kuChikomba chiri kususukidza zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) nedonzvo rekufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset icho chinokurudzira kusimbiswa kwezvidzidzo pamwe nemabasa emawoko.Muhurukuro nemurairidzi weMathematics, Physics neScience pachikoro ichi, VaPasca Shonhiwa, vanoti vanokoshesa zvidzidzo izvi zvikuru sezvo zvichibatsira mukusimudzira upfumi hweZimbabwe.

“Zvidzidzo zvesainzi zvinosimudzira nyika zvakaita sekumaindasitiri nekuti hatizoenda kunze kwenyika tichinotsvaga nyanzvi dzesainzi (scientists) navanachiremba, vanenge vachiburwa muno,” vanodaro VaShonhiwa.

“Tinokurudzirawo vanasikana kuti vaitewo zvidzidzo izvi vachikwikwidzana nevakomana.”

Vanoti zvakare zvakakosha kuti zvidzidzo izvi zvitange kufundiswa kupuraimari.

“Tinodaro nekuti tikadzidzisa vana vedu muno, hakuchina zvekuti tiende kunze kwenyika tichinotsvaga vanogadzira mishonga yemuzvipatara, vanogadzira marobhoti kana migwagwa.

‘‘Izvi tinenge tave kuzviitira toga muno,” vanodaro VaShonhiwa.

Kunze kwezvidzidzo zveSTEM, Kwenda High iri kushandawo nesimba mukudzidzisa History

VaMaxwell Maisiri, avo vanodzidzisa History, vanoti vave nemakore 30 vachifundisa chidzidzo ichi paKwenda.

Vanoti gore rapera, vana veHistory paO-Level vakabudirira nechikamu che92% uye paA-Level vadzidzi vanosvika 122 vakabuda nemaA.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *