Vaimbi endai kuchikoro: Chirandu

MUIMBI weAfro-jazz neAfro-fusion, Tongai ‘Chirandu’ Tarubona (ari pamufananidzo pamusoro), okurudzira vamwe vake vemisambo yakasiyana kuti vakoshese dzidzo vaendewo kuchikoro sezvo zvichizovabatsira mune remangwana.Chirandu, uyo anotsigirwa nechikwata cheThe Black Identity Band, nguva pfupi yadarika akapedza zvidzidzo zvake zveMasters of Science in Economics Degree neUniversity of Zimbabwe.

Anoti zvakakosha kuti vaimbi vaende kuchikoro senzira yekuvandudza hupenyu hwavo sezvo zvichivabatsira mukutanga mabhizimisi kana kuzotsvaga basa mune remangwana panguva iyo zvemagitare zvinenge zvisisina pundutso.

Chirandu anoti havasi vose vaimbi vari kuwana raramo kubva kumagitare sezvo dzimwe dzenguva mashoo achimbonetsa kuwana.

“Magitare ndiwo hupenyu hwedu vazhinji sevaimbi asi dzimwe dzenguva mashoo anombonetsa kuwana zvekuti pundutso chaiyo hatimboiwane kubva kwaari.

“Saka tikaenda kuchikoro kunofunda zvinotibatsira kuwana zvimwe zvekuita muhupenyu hwedu, zvikuru mune remangwana,” anodaro Chirandu.

Anoenderera mberi achiti, “Dzidzo ndiwo musimboti wehupenyu hwedu nekuti kana tine magwaro edu ekudzidza zvinotibatsira kuwana mamwe mabasa kana kutangisawo mabhizimisi eduwo apo mashoo anenge achinetsa kuwana.”

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *