Mazita evose vakachata oziviswa

Fidelis Munyoro

MUCHIITIKO chinogona kuona shanduko huru mugwaro riri kubikwa kuti rizove mutemo, reMarriages Bill, iro rine chinangwa chekuti wanano dzose dzinge dzichibatanidzwa, mumwe mutongi wedare reHigh Court anoti panofanirwa kuve nedura (database) rine mazita evanhu vose vakaroorana zviri pamutemo nechinangwa chekuderedza nyaya dzevanopinda muwanano yechipiri munhu asina kukanzurisa muchato wake waanenge anawo kare.

Pari zvino vanhu vanoda kuchata vanofanirwa kuburitsa mifananidzo yavo yemhando ye”passport size” uye votorwa zvidhindo zveminwe (fingerprints) senzira yekuti vasapinde mune imwe wanano ivo vaine muchato kare.

Asi Justice Sylvia Chirawu-Mugomba vanoti izvi zvishoma panguva ino yeruzivo rwechizvino-zvino.

Vanoti hapana chinotadzisa Registrar of Marriages kuti pave nedura repadandemutande rinenge riine mazita evose vakachata zviri pamutemo.

“Anochatisa wose anotofanirwa kutanga avhura dura iri aone kuti munhu ari kuda kuroora kana kuroorwa akasununguka kubva kune zvose zvemitemo zvingamutadzise hurongwa hwake,” vanodaro Justice Chirawu-Mugomba.

“Pamusoro pezvo, munhu wose ada kuroora kana kuroorwa kana kuchata, anofanirwa kuburitsa gwaro rinotaura paamire muupenyu hwake panyaya yekuroora kana kuroorwa iro raanopihwa kuRegistrar of Marriages senzira yekumuchenesa.”

Justice Chirawu-Mugomba vakataura mashoko aya apo vaipa mutongo panyaya yeimwe shirikadzi, Mai Susan Mobape, avo vakazvuzvurudzira kudare Master of High Court, VaManyadzwa Kamuchira N.O naMuzvare Cynthia Chaitezvi pamusoro penyaya yemendenezi kubva kuupfumi hweaimbove murume wavo uyo ava mushakabvu.

Pakupa mutongo wavo, Justice Chirawu-Mugomba vanoti Mai Mobape – avo vakange vagara nemurume wavo muwanano yakange isina kunyoreswa kwemakore 42 kusvikira afa muna 2017 – havakwanisa kuti vawaniswe mendenenzi kubva paupfumi hwemushakabvu uyu.

Mushakabvu panguva yaaigara naMai Mobape semurume nemudzimai, akange asina kudzimisa wanano yake yaive yakanyoreswa pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11) iyo akachata naMuzvare Chaitezvi.

Tiudzei zvamunofunga pamusoro penyaya ino.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×