‘Lewandowski anototengwa nemari svinu’

MANCHESTER United, Arsenal neLiverpool zvinofanirwa kuburitsa mari svinu kuti zvitenge Robert Lewandowski, sekutaura kwaDietmar Hamann.

Chizvarwa chekuPoland ichi chakagariswa pabhenji ndokuzopinzwa mutambo wave kunopera apo chikwata chaPep Guardiola, Bayern Munich, Chakaita mangange neShakhtar Donetsk muChampions League uye akatambiswa kuwing apo vakarakasha Hamburg 8-0 mumutambo weBundesliga svondo radarika.

Hamann anofunga kuti mutambi uyu, uyo akambotambira Borussia Dortmund, anogona kukwana muzvikwata zvitatu izvi zvemuPremier League.

“Ukatarisa Manchester United pari zvino inotoda mutambi akaita saLewandowski,” Hamann akaudza Sky Sports. “Panguva ino United, Liverpool kana iyo Arsenal . . . Lewandowski ndiko kwaanofanirwa kuenda.

“Akaenda kuBayern Munich mahara gore radarika asi kana paine mukana wekumutenga ini ndobhadhara mari svinu kuti ndimutenge nekuti ishasha pachinzvimbo chake pasi rese”.

Hamann, uyo akahwina mikombe mina mikuru mumakore mashanu kuBayern, anoti ramangwana raLewandowski harisi kuzivikanwa uye anofunga kuti matambiro echikwata chake haasi kuenderana naye.

Paakabvunzwa nezveramangwana remutambi uyu akati, “Mubvunzo mukuru.

“Hazvizivikanwe kuti acharamba ariko here kunyangwe aiine kondirakiti.

“Ndinofunga kuti zvakangofanana naLewandowski nekuti matambiro ari kuita chikwata chiri kurairidzwa naGuardiola hazvisi kumufambira iye.

“Matambiro eDortmund aipindirana naye uye ndinofunga kuti anogona kupinda muzvikwata zviviri kana zvitatu zvemuPremier League uko anotamba munhandare dzakakura.” — Sky Sports News

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×