‘Lockdown ndiyo yakakonzeresa’

Abel Ndooka

MUIMBI wehip-hop – Bonnie “Promics” Goredema – anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwakawedzera dambudziko revechidiki vanotora zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo zvichitevera kupedza kwavakamboita nguva refu pasina zvavari kuita uye vakangogara kudzimba nekuda kwechirongwa chekurwisa kupararira kwedenda iri (lockdown).

Anoti upenyu hwevechidiki vazhinji hwakanganisika nekutora zvinodhaka zvakaita sembanje, mutoriro kana kuti gukamakafeka nemusombodhiya.

“Kubva pakatanga Covid-19, vechidiki vazhinji vange vave kuswera vakangogara kumaraini vasina zvekuita. Saka ndipo pandinoona sekuti vakatanga kufurirana kutora zvinodhaka.

“Iye zvino tikatarisa vechidiki remangwana ravo rakanganisika zvikuru nekuda kwezvinodhaka izvi. Sevaimbi, ibasa redu kuti tibatane nenyika yose mukurwisa nyaya yekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki,” anodaro Promics.

Muimbi uyu pari zvino akabura kambo kechenjedzo pamusoro pekutora zvinodhaka kanonzi “Nhamo Yekubereka”.

Kambo aka kanotaura pamusoro pekushungurudzika kunosanganikwa nako nevabereki apo vana vanokanganiswa nezvinodhaka.

Promics anoti kambo aka kanopa dzidziso kune vechidiki kuti vasiyane nekutora zvinodhaka sezvo zvichikanganisa remangwana ravo.

“Vechidiki apo pavanenge vachitora zvinodhaka, munhu anonyanya kurwadziwa nazvo mubereki. Mubereki wose anoda kuona mwana wake achiita zvakanaka muupenyu hwake, achibudirira pamwe nekugara zvakanaka.

“Saka akazoona zvose zvaenda mudondo nekuda kwekutora zvinodhaka, mubereki anorwadziwa zvikuru.

“Naizvozvo ngatibatanei tose mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka, zvinokanganisa muviri uye tisambozvitendera kuti zvipihwe kuvana vedu,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×