Sonodo yotsigira softball

CHIKORO chedzidzo yepamusoro cheSonodo Women’s University chekunyika yeJapan svondo radarika chakabatsira sangano reZimbabwe Softball Association nezvekutambisa mumutambo uyu nedonzvo rekuusimudzira.

Sangano iri rakapihwa mabats manonwe,  magirovhosi nemabhora acho 15.

Mutungamiri weZimbabwe Softball Association, Stonard Mapfumo, anoti anotenda rubatsiro urwu achiti rwauya panguva iyo vange vakarwutarisira zvikuru.

Mapfumo anoti midziyo yekutambisa softball yemhando yepamusoro inodhura zvakanyanya  nekudaro zvinofadza kuona yunivhesiti iyi ichizvipira kubatsira sangano ravo.

“Ndinoona kuti softball muno yave kuenda padanho repamusoro nekuti chipo chatakapihwa nemadzisahwira edu ekuJapan chichabatsira zvakanyanya kusimudzira mutambo wedu.

“Kwemakore, taingoshuvira kuti tive tine zvekutambisa softball zvepamusoro uye tapihwa chipo ichi chichabatsira kusimudzirwa kwesoftball. Vatambi vemuno havasi vose vanokwanisa kuzvitenga saka vachabatsirikana nazvo.

“Izvi zvatapihwa zvekutanga zvichange zviri zvemupurovhinzi yeHarare chete,” anodaro Mapfumo.

Anoti parizvino vari kuita hurukuro neSonodo Women’s University kuti vanzwe kuti havakwanise here kuvatumira zvimwe zvekutambisa mutambo uyu izvo zvinozopihwa kune mamwe mapurovhinzi ari munyika.

“Tinoshuvira kuti hama dzedu dzekuJapan pamwe dzikazvipira rubatsiro rwavo rurambe ruchiuya tigopawo kune mamwe mapurovhinzi,” anodaro Mapfumo.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *