MaANSA ambomiswa

SANGANO reSports and Recreation Commission rinoti mabiko eAnnual National Sports Awards ayo aifanirwa kuitwa svondo rapera neChitatu akambomiswa uye ave kuitwa gore rinotevera musi wa20 Ndira.Achitaura nebepanhau reKwayedza, mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa, anoti sangano ravo rakatora danho rekumbomisa maANSA nekuti muyenzi anoremekedzwa uyo wavainge vakoka pamabiko aya anove gurukota rezvemitambo, Cde Makhosini Hlongwane, vakange vakabatikana pazuva iri.

Pamusoro pezvo, mamwewo masangano emitambo ange achikwikwidza kurwira mibairo yakasiyana akavakumbira kuti vambomisa kuita mabiko aya sezvo anenge vabatikana zvakare.

Nheweyembwa anoti vachiona izvi, sangano ravo rakatora danho rekutsvaga rimwe zuva rekuzoita mabiko aya.

“Zvose takange taronga kuti mabiko aya aenderere mberi asi muyenzi wedu anoremekedzwa watainge takoka akati anenge akabatikana pazuva iri saka takatora danho rekutsvaga rimwe zuva rekuita mhemberero idzi rinove musi wa20 Ndira 2017,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Iye zvino tave kutora nguva ino kugadzirisa zvimwe zvatinoona kuti takange tasiyirira panzira izvo zvinoda kugadziriswa kuti kana zuva rasvika mabiko aya afambe zvakanaka chaizvo.”

Nheweyembwa anoti SRC yave kumbomisa kuburitsa mazita evatambi vemitambo vari kurwira mibairo yakasiyana uye vachazozivisa kana zuva remabiko aya rave kusvika.

“Tave kutombomisa kuburitsa mazita evatambi vari kurwira mibairo yakasiyana izvo tinowanzoita kana mabiko aya ave kusvika.

“Tichazoaburitsa kana zuva remabiko aya rave kusvika, tinoziva kuti vatambi vakasiyana uye vatsigiri vavo vanoda chaizvo kuziva kuti ndevapi vachahwina,” anodaro.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×