Kuroodza pwere bodo: Mapositori

Trymore Muvhawa—

SANGANO reApostolic Women Empowerment Trust (AWET), iro rinorwisa nenyaya dzemhirizhonga mudzimba pamwe nekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, rinoti vanhu vanoshungurudza vanhukadzi vanofanirwa kurangwa zvakaomarara nemutemo.AWET mubatanidzwa wemadzimai anopinda chechi dzechipositori munyika yose.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pagungano rekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi pasi pechirongwa che16 Days of Activism Against Gender-Based Violence kuEpworth, muHarare, murongi weAWET, Mai Hope Dunhira, vanoti semapositori, vanoshora zvikuru tsika yekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera.

“Nhasi taungana munzvimbo yeEpworth seAWET tichiti kwete kumhirizhonga mudzimba nekuroodza vana vachiri vadiki nekuti izvi hazvina kwazvinotisvitsa senyika. Vanababa vanofanira kuva muzvirongwa izvi kuti vazive zvinangwa zvedu uye kuti vodzivirira sei mhirizhonga mudzimba pamwe nekuchengetedza vanasikana,” vanodaro.

Mai Dunhira vanoenderera mberi vachiti: “Ndinofara nhasi kuti mapositori mazhinji aungana pano. Chikonzero chekuungana munzvimbo ino yeEpworth ndechekuti tsvagurudzo inoratidza kuti ndiyo ine nyaya dziri kumhan’arwa dzakawanda dzekushungurudzwa kwevana nemhirizhonga dzemudzimba.

“Shoko redu nhasi seAWET nderekurudzira vanhu kuti vasiyane nemhirizhonga mudzimba nekuroodza vana vari vadiki nekuti imhosva pamutemo wenyika.”

Senzira yekusimudzira nhengo dzaro, sangano reAWET riri kutsigira vanhukadzi kuburikidza nekuvapa zvipfuyo zvakaita sembudzi nehuku kuti vapfuye vachizokwanisa kurarama.

Vachitaurawo pagungano iri, VaRodwell Negomo vekuChiweshe, avo vanopinda chechi yeJohanne Masowe yeChishanu, vanoti zvakakosha kuti vanhu vabatane mukurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi.

“Ndinoti kuvanhu vari pano, nhasi maita chinhu chikuru kwazvo kuuya kuzoona mapositori achiramba kuti kwete kumhirizhonga yemudzimba nekuroodza vanasikana vadiki,” vanodaro VaNegomo.

Mashoko avo anotsinhirwa naBishop Ishmail Khumalo, veHamadzamwari First Apostle Independent Church vachiti: “Isu sevakuru vemakereke, takaona zvakakodzera kutsigira chirongwa chemadzimai nekuti vana vazhinji vari kushungurudzwa, kunyanya nekusaendeswa kuchikoro nekuroodzwa vari vadiki.”

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *