Mabasa abata mabasa

Muchaneta Chimuka

NYANZVI mukunyora mabhuku, dambanevana, nyanduri uye ari muimbi – Ignatius Tirivangani Mabasa – anyora nhoroondo pasi rose zvichitevera kubura kwaakaita zvidzidzo zvekutanga zveChiShona zvePhD Thesis paRhodes University yekuSouth Africa.

Mabasa akanyora nhoroondo iyi mushure mekuita zvidzidzo zveAfrican Language Studies kuchikamu cheSchool of Languages and Literatures kuSouth Africa.

Achawaniswa chitupa chake cheRhodes University Doctrate mwedzi uno uye izvi zvichaitwa padandemutande (virtual graduation ceremony) nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chinyorwa chaMabasa chakaita kuti aitwe muzvinafundo chine musoro unoti: “CHAVE CHEMUTENGURE VHIRI RENGORO: HUSARUNGANO NERWENDO RWENGANO DZEVASHONA.”
Mabasa anoti anofara zvikuru nekucherechedzwa pabasa rake uye anodada nerurimi rwaamai.

“Ndakatanga kugona kupa nhoroondo kana kutaura ngano ndichiri mudiki kwazvo panguva iyo ndakanga ndisati ndava kugona kunyora kana kuverenga, kureva kuti zvaive muropa. Mukuzvarwa kwayo nzou inofanira kudzvova kwete kuchema sekiti nokudaro bhuru rinorwa rinoonekwa nemavanga,” anodaro Mabasa.

Anoti kushandisa kwaakaita rurimi rwaamai kwaiva kuda kuratidza kuti anodada narwo nekuti kazhinji mutauro uyu unotarisirwa pasi.

“Nyaya dzekudzvanyirirwa nevachena dzichiri mupfungwa dzevanhu nekuti munhu anotaura neChiShona anotorwa seasina maturo izvo zvinoita kuti vazhinji vapedzisire vava kuita zvinhu zvavasingadi. Unoita seusingadiwi panzvimbo.

“Ndicho chikonzero ndakaedza kuda kupedza rusarura urwu nekuita fundo yangu neChiShona kuti ruzhinji rwuzive kuti mutauro uyu unotambirika uye wakanaka, ndewedu hatifaniri kuurasa nekutya kusekwa. Marudzi nemarudzi ari kushandisa wani mitauro yavo, havasi kukopera yedu zvatinoita isu nekuti takapambwa mupfungwa,” anodaro Mabasa.

Budiriro yaMabasa iyi inoratidza basa guru riri kuitwa neHurumende mukusimudzira nyaya dzedzidzo kubvira pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Izvi zvaona nyika ino ichive pamusoro muAfrica panyaya yevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×