Mabasa emawoko anoponesa: zpcs

ZIMBABWE Prisons and Correctional Services inoti ruzivo rwemabasa emawoko rwakosha zvikuru sezvo rwuchiita kuti munhu akwanise kuwana raramo kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyana.Mashoko aya akataurwa naCommissioner Audit and Inspectorate vepaHarare Central Prison, Senior Assistant Commissioner Rosemary Kanonge, nguva yadarika apo mumwe mudzidzi wepaChinhoyi University of Science and Technology, Gamuchirai Mukosa, airatidzira zvigadzirwa zvake zvemabasa emawoko zvekudhirowa.

“Mabasa emawoko anobatsira pakupa chouviri zvakare nekusimudzira nyika. Tinoyemura mabasa evadzidzi vepaChinhoyi University of Science and Technology ayo anosanganisira kudhirowa, zvivezwa pamwe chete nemashandisirwe emakombiyuta echimanje-manje mukubika mafirimu apo vanouya kuzoratidzawo vasungwa mabasa avo,” vanodaro Snr Asst Comm Kanonge.

Vanoti kunyangwe vari muhusungwa vanokwanisa kuita mabasa emawoko ayo anozovararamisa vabuda mumajeri.

“Izvi zvinoitawo kuti varodze pfungwa nekuona kujeka kweupenyu mune remangwana ravo. Vari muhusungwa vanokwanisawo kuita mabasa avo achinotengeswa kunze zvichizovapa mari yekuti vararame vari muno mumajeri kana pavachazobuda kunze zvichizovabatsira kusapara dzimwe mhosva,” vanodaro.

Mukosa, uyo ari kuita zvidzidzo zveBachelor of Science Creative Art and Design, anoti ane tarisiro yekuti remangwana rake rakajeka nekuda kwezvidzidzo zvemabasa emawoko zvaari kuita.

“Zvidzidzo zvakadai zvakanakira pakuti unokwanisa kuita mabasa emawoko anotengeswa kunze kwenyika. Zvakare, mifananidzo yatinogadzira iyi inodzidzisa pamwe nekuva nezvainoreva zvinosanganisira dzidzo. Haisi nyaya yekungonoshanda kumakambani, pachezvako unokwanisa kuva bhasa wako pamwe nekupawo vamwe mabasa nekusimudzira upfumi hwenyika,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *