Vatambi vandigamuchira: Bradley

MURAIRIDZI weSwansea, Bob Bradley, akaramba mashoko ekuti vamwe vatambi vechikwata chake havasi kufara nenzira dzekudzidzisa kwake munhandare.Mashoko akabuda mumapepanhau nguva pfupi yadarika anoti vamwe vatambi veSwansea vange vachishushikana chaizvo nenzira dzekushanda dzaBradley asi muchinda uyu – uyo aimbove murairidzi weUSA – akazviramba.

“Hapana chokwadi apa,” akadaro Bradley.

Akaenderera mberi achiti, “Ndakanzwa kugamuchirwa kubva kuvatambi vangu zvichitevera kugadzwa kwandakaitwa panyanga, mashandiro acho akanaka uye unotozviona pose patinenge tichiita gadziriro dzedu.

“Tinotoona kuti zvose zvatinenge tichiita kubva kugym, takatarisana nemutambo tazvienzanisa, ndinototi zvose zviri kufamba mugwara chairo.

“Munoziva wani mashindiro azvinoita. Ndiani angazive kuti mashoko aya ari kubvepi? Dzimwe dzenguva zvinobva kuvamiriri, mumhuri kana kushamwari dzevatambi avo vanenge vasiri kutamba zvakanaka panguva yacho.

“Asi zvinhu izvi hazvirevi chinhu nguva zvinji.”

Bradley angokwanisa kuhwina mitambo miviri kubva pa10 yaarairidza zvichitevera kutsiva kwaakaita Francesco Guidolin muna Gumiguru.

Parizvino Swansea yakagara pechi19 palog rePremier League uye Bradley akazivisa kuti akambokurukura nevaridzi vechikwata ichi zvizvarwa zvekuAmerica – Jason Levein naSteve Kaplan – pamusoro pevatambi vaanoda kutenga muna Ndira.

“Takakurukura zvakanaka naJason naSteve,” Bradley akadaro.

“Huw Jenkins, mukuru wedu wekutsvaga vatambi Dave Leadbetter, neni, takagara pasi tikanyora vatambi vatinoda.

“Tose tinoziva kukosha kwekuvhurwa kwenguva yekutenga vatambi yatatarisana nayo iyi, asi zvakakosha kuti chikwata chiripo ichi chibate basa sebasa mumitambo inotevera.” – Sky Sports News.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *