Mabatirwo ezvitunha zvinobve kubanze kwenyika

Nqobile Tshili naThupeyo MuleyaHURUMENDE yakati mitumbi yeshe ichabve kubanze kwenyika ichabatwa unga ine Covid-19  zve ichatotoroswa zvakagwinya isati yangena munyika.

Vanonga vafa ngetsawana ne vane maronda pamwiri ndivo vega vachakorera kutotoroswa ngenjira ye Covid-19 iyi. Muchairi umwe ega ndiye uchange eifanira kuhamba nechitunha atei pandau yekuikwa.

Hama  dzemufi dzichaperekeddza atei pamuganu veizobekwa pao ega kwemazuwa makumi mairi nerimwe veiningirwa Covid-19 asi nyamufa unodarikirwa kooikwa.

Izvi zvakaziiswa Zimbabwe Consulate kunyikayeSouth Africa.

South Africa iyo kune anhu akawanda emuno kune ndaa dzakawandisa dze Covid-19.

Kuguma pa Chitatu Chiabvu 29, muZimbabwe inga mwane anhu 32 vakabatwa ngemukuhlani uyu varongomuna vakatotamika.

Zimbabwe neSouth Africa dzakabeke zvizato kuti vanhu vasahamba hamba, kudzasira kuambukira kwe Covid-19.

Nge Chipiri vhiki rapera Consular-General weZimbabwekuSouth Africa,  Melody Chaurura vakati Zimbabwe iri kutora matanho eshe angaizwa kuti Covid-19 isaambukira.

“Mitumbi yeshe ichabve kubanze kwenyika ichabatwa unga ine Covid-19  zve ichatotoroswa zvakagwinya isati yangena munyika nge madhokodheya.

Vanonga vafa ngetswana vane maronda pamwiei ndivo vega vachakorera kutotoroswa ngenjira ye covid 19 iyi.

Muchairi umwe ega ndiye uchange eifanira khamba nechitunha atei pandau yekuikwa,” vanodaro.

Vanoti veshe vari mune zvekuika vanhu vanofanira kuteedzera urongwa uhu.

Sachihlayo Inter-City Funeral Directors Association — South Africa (IFDSA-SA), VaNkosiKwanikeNare vakati vanoite mushando wekuhambisa ana nyamufa ava vakatoziiswa ngendaa iyi.

“Izvi zvatidetsera kakurutu kuti tione kuhambise mishando kahle tichadetseranao nee zveutano kuti tishundureo ngeope tinokona kuti tinyise denda ranesa riri,” vanodaro VaNare.

Ari muchikamu chekuhamba kwezviro anoti mitumbi inogume makumi matanhatu inoambuka kubve South Africa vhiki rega rega pa Beitbridge Border post.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×