‘Social distancing’ yonetsa . . .Baba, vakadzi 20, nevana +100 Nevazukuru

Kingstone Mapupu
MURUME wekuChitungwiza uyo ane madzimai anodarika 20 nevana vanopfuura 100 anoti atambura nekuti ogarisana sei nemhuri yake yakakura iyi panyaya dzekukoshesa kuti vanhu vasagare vakaungana (social distancing) kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunotapuriranwa nekupararira zvakanyanya hunodaidzwa kuti coronavirus.  Sekuru Amos Kafela (84) avo vanogara kuUniti J panguva yoga-yoga pamba pavo panenge paine vanhu vanodarika 150 vanosanganisira madzimai avo nevana, varoora nevazukuru.

Vachitaura neKwayedza nezuro, Sekuru Kafela — avo vanova n’anga — vanoti havana zvavanogona kuita nemhuri yavo yakakurisa sezvo vasina kwekuisa vamwe vevanhu ava.

Vachibvunzwa nenyaya yekuti vanozviziva here kuti denda reCovid-19  ranetsa pasi rose uye rinotapuriranwa nyore kunyanya kuvanhu vanogara vakaita chitsokotsoko, Sekuru Kafela vanoti iyi inyaya yavanoziva.

“Ichokwadi, denda iri ririko uye ini sachiremba ndinoziva kuipa kwaro. Asi semunhu ane mhuri yakakura, handigone kuendesa vana kudzimba dzevamwe vanhu kuti ndinovachengetesa ikoko.

“Zvandiri kuita bedzi sezvo ndiine dzimba mbiri muno muChitungwiza, ndinoti vamwe vana uko vamwe uko. Kana kwandinombogarisa varwere kwava kugarawo mhuri yangu kuchiti vamwe ndakaendesa kupurazi kuBeatrice.

“Asi zvakadaro, vanhu vemumhuri yangu vanoramba vakawanda chete,” vanodaro Sekuru Kafela.

N’anga iyi inoti madzimai ayo nevana nevazukuru vanogara vachivadyisa mishonga yechivanhu yekudzivirira zvirwere zvakasiyana.

Chirwere cheCovid-19 hachisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose. Mishonga iriko bedzi ndeinoderedza marwadzo.

“Handirambe kuti chirwere chiriko, asi ndinoti mhuri yangu inogara yakadzivirirwa muzvirwere zvakawanda sezvo kuzvidzivirira kwakakosha zvikuru pane kuzorapwa. Yose mimwe mitemo yakadzikwa neHurumende ndiri kuitevedza. Pane dambudziko bedzi ndipapa pakuti vanhu tigare tiri kure nekure iyo mhuri yangu yakakura kudai.

“Ndokusaka ndakabvisa vamwe vana nemadzimai ndikavaendesa kumwe asi zvakadaro, vanhu vanoramba vakawanda chete pano,” vanodaro.

Sekuru Kafela vanoti senzira yekuzvidzivirira nemhuri yavo, vakachera chibhorani icho vanorunga mvura yacho nemishonga yekuuraya hutachiona uyewo kana zvinhu zvakanaka, vemhuri yavo vanopota vachienda kuzvipatara kunovhenek—tinogeza maoko nesipo nguva nenguva tichishandisa mvura inochururuka nekuzorawo iyo mishonga yamunoti masanitiser.”

Kugara vanhu vasina kuita chitsokotsoko (social distancing) kunonzi imwe yenzira dzinoshanda pakudzivirira kutapurirana Covid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 7 287 vange vavhenekwa coronavirus muZimbabwe. Pavanhu ava, 32 vakawanikwa vaine Covid-19 apo vashanu vavo vakatonaya kuchiti vana (4) vakafa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×