Mabhidhiri: Maguruvhani orozva vanhu nenyuchi . . . oshandisa ‘queen bee’

Kingstone Mapupu

NYAYA yenyuchi dzinonzi dziri kutumirwa vanhu vanenge vatadzira vamwe nenzira dzakadai sekuvabira mari kana midziyo yavo yokonzera mitauro yakawanda-wanda sezvo pane fungidziro huru kuti aya mabhidhiri ari kuitwa nemamwe maguruvhani.

Mazuvaano, pane nyaya dzakawanda dzen’anga nemaporofita uyewo mafundisi vari kubuda pamadandemutande akasiyana vachiti vanotumira nyuchi kuvanhu vanenge vakanganisira vamwe zvakaita sekubirwa nekutorerwa murume kana mudzimai.

Asi vanhu vakawanda vari kuchema-chema vachiti vari kubirwa mari yavo mushure mekuenda kunotsvaga rubatsiro kune vanoburitsa mavhidhiyo evanenge vakamomoterwa nenyuchi vachinzi vaba kana kukanganisira vamwe nenzira dzakasiyana-siyana.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa mavhu nemarara.

Mumwe murume wekuSunway City kuRuwa anoti akabhadhariswa US$400 neimwe n’anga yemuHarare inoti inotumira nyuchi achida kuti munhu aiva aba mari kubasa kwavo, inove mhosva yaaipomerwa iye, avingwe nenyuchi kuti zvibude pachena kuti ndiani akaba mari yacho.

“Ndakaenda kun’anga iyi inoti inotumira nyuchi asi hapana chakabuda ndikasungwa nenyaya iyi yandaipomerwa mari yangu ikany’ura. Zvose zviri kuitika izvi chitsotsi, nyuchi idzi pane zvadzinoitwa kuti dziungane pamunhu,” anodaro murume uyu.

Kune vanhu vakawanda vakataurwa navo neKwayedza nekuda kwenyaya iyi vasina kuda kutaura mazita avo kana kwavanogara nekutyira upenyu hwavo avo vanoti vakarozvwa nevanozviti vanotumira nyuchi idzi.

Kwayedza yakazamawo kutaura nevamwe vanhu vanosvika vanonwe avo vane mavhidhiyo anobuda padandemutande vachiti vanotumira nyuchi vachibatsira vanenge vatadzirwa mune zvakasiyana asi vose varamba vachipa zvikonzero zvisina kujeka.

Asi, VaChaipa Mutandwa (55) vanova national programmes director wesangano reBeekeepers Association of Zimbabwe vanoti nyuchi hadzigone kutumwa kunorwisa vanhu sezvinotaurwa nen’anga  nemaporofita vari kuita chitsotsi ichi.

“Ukatora zimai renyuchi ‘queen bee’ ukarivharira panzvimbo, nyuchi dzose dzinouya ipapo uyewo kune mishonga yechivanhu inoiswa mumvura nyuchi dzofenda dzoitwa zvadzinoda nadzo dzozomuka, pane manyepo munyaya iyi,” vanodaro VaMutandwa.

VaGeorge Kandiero (50) vanova mukuru wesangano reZinatha vanoti nyaya yekushandisa nyuchi dzinonzi dzinotumirwa nen’anga  nemaporofita manyepo kana kuti mabhidhiri.

“Ichi chitsotsi chiri kuitwa nevanhu ava, musangano redu reZinatha hatitenderi zvinhu zvakadaro uyewo magwaro ari kushandiswa nevanhu ava akanzi Zinatha ndeemanyepo. Vanhu ngavarege kuenda kuvanhu ava nekuti vaye vamunoona vakamomoterwa nenyuchi vari kutengwa, nyuchi idzi dzine zvadzinoiswa kuti dzirege kuruma vanhu ava,” vanodaro VaKandiero.

Vanoti kune nhubu dziri kubira vanhu vanoenda kwavari mushure mekuona mavhidhiyo evanenge vakamomoterwa nenyuchi.

“Chokwadi dai nyuchi dzichisunga vanhu mapurisa vangadaika vakungoshandisa nyuchi kusunga makororo. Matsotsi awanda saka vanhu ngavangwarire vamwe vanozviti n’anga kana maporofita nemafundisi vemanyepo. Vakawanda vavo vanotenga vanhu kuti basa rikure munhu wozviita muroyi kana zvimwe zvakaipa vapihwa mari,” vanodaro VaKandiero.

Vanotiwo kune zvikwambo zvemanyepo zvinotengeswa kuMbare nekuMupedzanhamo muHarare izvo zvinozonokandwa pamisha yevanhu vobirwa pfuma yavo.

“Vanhu kana vaita dambudziko ngavauye kumahofisi edu eZinatha votsvaga mazano kwete kunobirwa mari nekuoneswa nyuchi dzakamomotera vanhu. Nyuchi hadzidzose mombe dzenyu dzabiwa kana mukadzi wenyu wamatorerwa, muri kutowedzera dambudziko renyu,” vanodaro VaKandiero.

Mashoko avo anotsinhirwa naBishop Cuthbert Nyaruvenda vanova mukuru wesangano reZINPA rinomirira machiremba echivanhu zvekare vachiti vose vanoti vari kuti vanotumira nyuchi kuvanhu vanenge vakanganisira vamwe manyepo.

“Mukatora zimai renyuchi kana kuti queen bee mukaisa muhomwe menyu nyuchi dzinouya pamuri hadzimbokurumai. Saka hapana nyaya paye, kubirwa kwevanhu mari, vanhu vanenge vatsotswa ngavauye kwatiri vamhan’are tivaendese kumapurisa, nhubu idzi dziende kujeri,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRECFEMI Ministries yemuHarare vanotiwo nyaya yekushandiswa kwenyuchi nen’anga nemaporofita ndeyemanyepo.

“Vanhu ava vanotora zimai renyuchi nemimwe mishonga inoita kuti nyuchi dzisarume uye dzidhakwe. Aya mabhidhiri ekutenga vanhu votaura matambudziko avasina voisirwa nyuchi idzi. Tinoti vanhu ngavadzidze kuzvinamatira, ngatisawedzera vanhu matambudziko ivo vauya nematambudziko avo kare,” vanodaro Pastor Muchefa.

Nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Alice Masoko Kwenda, vanotiwo: “Kune vanhu vanochera zvuru kana kumora nyuchi vanotora zimai renyuchi saka makoronyera aya anotora zimai renyuchi voisa pamunhu wavanoda kushanda naye pachitsotsi ichi omomoterwa nenyuchi. Ichi chikuruku chakavandika, chikoronyera chapedzera vanhu mari yavo.”

VaTinashe Farawo vanova mukushi wemashoko kuZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) vanoti imhosva iri kuitwa nevanhu vari kushandisa nyuchi kana dzimwe mhuka dzakaita sekamba kubira vanhu mari.

“Iyi imhosva iri pachena, vanhu vari kuitwa izvi ngavaende kumapurisa vanomhan’ara nekuuya kubazi redu tinzwisise mafambiro enyaya iyi,” vanodaro VaFarawo.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×