Zim yotarisira goho guru rechibage

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE ine tarisiro yekuwana goho guru rechibage anove matani anosvika 2,2 miriyoni izvo zvinoita kuti goho iri rive rechina rakakurisa kuwanikwa munhoroondo yenyika.

Izvi zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, apo vaitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri chino.

Cabinet yakaturirwa gwaro riri maringe neongororo yeSecond Round Crop, Livestock and Fisheries Assessment Report, iro rinotaridza goho richawanikwa.

“Gwaro iri rinotaridza kuti mahekita akadyarwa chibage akawedzera kubva pa1 728 897 mumwaka wa2023/24 kuenda pa1 839 373 mumwaka wa2024/25.

“Kuwedzera nechikamu che6,4 percent uku kuri pamusoro pemahekita aitarisirwa anove 1 800 000. Kubva paongororo iyi, goho rechibage rinotarisirwa kuwanikwa  matani 2 293 556, rinove rechina rakakurisa kuburwa munyika ino,” vanodaro said Dr Muswere.

Ongororo iyi yeSecond Round Crop, Livestock and Fisheries Assessment Report yakataridza zvekare kuti goho refodya, donje nemaringazuva rakawedzerawo nechikamu che15 percent, 52 percent ne303 percent sekuteverana kwazvo.

Dr Muswere vanoti huwandu hwemombe dzedanga renyika parizvino huri pa5,7 miriyoni, hunove hwakawedzera kubva gore radarika apo kumaruwa kuine mombe dzinosvika chikamu che64 percent pahuwandu uhu.

“Huwandu hwenyama yemombe yakaburwa muna2024 hunosvika matani 94 623 kana zvichienzaniswa nematani  90 000 egore ra2023. Mashonaland East, Manicaland, neMidlands ndiwo matunhu aive pamusoro panyaya yekubura mukaka wakawanda muna2024, chinove chikamu che89 percent chehuwandu wemukaka wakaburwa munyika yose anove marita 115 miriyoni, ayo akawedzera nechikamu che10 percent.

“Panyaya dzehove muna2024, pakaburwa matani 31 296 apo kutengeswa kwematehwe emakarwe kwakawedzera nechikamu che34 percent,” vanodaro Dr Muswere.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *