Mabhuku matsva kuCollege Press

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeCollege Press Publishers — iyo ine mukurumbira wekudhinda mabhuku muZimbabwe — iri kutsigira bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari muchirongwa cheNew Curriculum kuburikidza nekudhinda mabhuku ekuverenga ari kushandiswa nevana muzvikoro.

VaPhillip Mudzimba, avo vanove managing editor weCollege Press, vanoti vari kudhinda mabhuku anoshandiswa nevana pamwe nevarairidzi.

“SeCollege Press, tiri kufadzwa zvikuru nechirongwa cheHurumende cheNew Curriculum uye takaona zvakakosha kuti tichitsigire kuburikidza nekudhindisa mabhuku ayo ari kushandiswa mudzidzo yevechidiki yeECD A nemabhuku achashandiswa nevarairidzi vavo anosanganisira Learner’s Book, Works Books, Story Books, Reading Charts neTeacher’s Guides,” vanodaro.

Vanoti mabhuku aripo pari zvino anosanganisira eMathematics, Science, Enclisi, Shona, Heritage and Social Studies, Mass Displays, Visual and Perfoming Arts nePhysical Education.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×