Mabikirwo enyama yesusu

Nyama yesusu isati yabikwa
Nyama yesusu isati yabikwa

KARE vamwe vaiti kana munhu achida kugona kuridza mheterwa, anofanira kudya nyama yesusu remombe iri mbishi. Asi kana nyama iyi ikabikwa zvine hunyanzvi munhu anotoita seacharidza mheterwa nekunakirwa. Svondo rino Mai Mhosva vekuGlen Norah, muguta reHarare, vanorondedzera nezve makaringirwo enyama yesusu.ZVINODIWA:

Tenga nyama yesusu muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Nyama yesusu vamwe vanoiti “bhaibheri” nekuda kwekuti ine zvimupande zvakawanda nekudaro zvimupande izvozvo zvinofanira kuvhurwa uchitora nguva yako pakuigeza dakara yachena.

Shandisa poto kana chikari chakachena.

Nzvimbo yaunobikira ngaive yakashambidzikawo.

Cheka-cheka susu kuita zvidimbu zvakafanira wokanda muchikari.

Siya zvikwate kwemaminitsi angaite makumi matatu kuti nyama inyatsoibva.

Kanda matomatisi, hanyanisi nemunyu uye mafuta wosiya zvichikwata.

Chekerera tumuriwo twetsunga wokanga, wozosiya zvichiibvirana.

CHEKUDYISA:

Nyama yesusu inodyiwa nesadza jena kana rezviyo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *