Mabumbe: Nyama pachezvayo

KUBVIRA makare-kare, vanhu vaifarira chikafu chemabumbe zvikuru.

Mabumbe kudya kunogadzirwa nemhodzi — dzemanhanga kana mapudzi — idzo dzinodzvurwa, dzosvinwa dzisati dzabikwa.

Svondo rino VaAlexio Brig Koti Moyo vekuChiredzi vanotsanangura magadzirirwo nemabikirwo emabumbe.

Zvinodiwa:

Mhodzi dzemanhanga kana dzemapudzi nerwaenga kana kuti chiwaya chekukangira.

Muriwo wemufushwa sewemunyemba, mvura nekomichi

Mabikiro:

Tora mhodzi dzemanhanga kana kuti dzemapudzi dzakaoma wodzikanga kusvika dzatsvukira.

Chidzidzvura muduri kusvika dzawota kuita kunge upfu, dzinenge dzave kunyiminya mafuta.

Svina mhodzi dzawadzvura uchidonhedzera mafuta acho mukomichi – kana dzakazara rusero dzinogona kuburitsa mafuta anokwana mubhodhoro re500ml kana kudarika.

Umba zvibhora zvidiki ne- zvaunenge wasvina mafuta uchiisa mundiro – zvibhora izvozvo ndiwo mabumbe.

Chibika muriwo wemufushwa, munyemba kana munyevhe, wokanga uchishandisa mafuta aya awasvina wozokanda zvibhora zviye mumuriwo iwoyo.

Panoibva muriwo uyu, ndipowo panoibva zvibhora zviye apo zvinenge zvoita senyama (meatballs).

Kana zvadai, chibura ugadzirire kudya machikichori nemhuri. Chenjerera kuzviruma rurimi neminwe nekunakirwa nokuti mabumbe anonaka zvekutoita kunge nyama. Mabumbe anogona kudyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo asi vamwe vanoda kuadya nemupunga.

Makasununguka kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *