Vopomerwa kuponda ‘tsotsi’

Muchaneta Chimuka —
VARUME vaviri vanova mukoma nemunin’ina vakamiswa mudare reHarare Magistrates’ Court vachipomerwa mhosva yekuponda munhu wavaifungira kuti imbavha.

Mutongi wedare iri, Hoseah Mujaya, anoti vasungwa ava Rungano naTirivamwe Chenjerai — avo vanogara panhamba 23753 kuBudiriro 5B, muHarare, vadzoke zvakare mudare nomusi wa27 Gunyana apo kutongwa kwenyaya yavo kuchafambira mberi.

Muchuchisi Timothy Makoni akaudza dare kuti mambakwedza emusi wa24 Chivabvu gore rapera, Rungano akaona Owen Chinoda (35) ari panzvimbo yaanochengetedza.

Zvinofungidzirwa kuti Chinoda aida kuba, nokudaro Rungano anonzi akatanga kudaidzira achiti, “Mbavha mbavha!”.

Ruzha urwu rwunonzi rwakaita kuti vanhu vemunharaunda vamuke vachibva vatangisa kutsvaga Chinoda uyo aitiza.

Zvisinei, midzimu yake yakadambura mbereko achibva abatwa nechaunga. Rungano naTirivamwe vanonzi vakatanga kurova Chinoda nechamboko nezvimwe zvombo.

Vanonzi vakaramba vachimurova pasi petsoka nekumudira mvura muviri wose. Dare iri rakaziviswa kuti vamwe vavakidzani vakamboedza kurambidza Rungano kuti asarambe achirova Chinoda asi akaramba akaomesa gotsi.

Muchuchisi Makoni anoti vaviri ava vakaramba vachirova murume uyu kusvika apera simba, apo vakazomusiya. Nomusi wa24 Chivabvu, mapurisa anonzi akatambira nhare kubva kuvanyeveri vachivaudza kuti kune murume akanga arere padivi pemugwagwa asisina chaanoziva.

Mapurisa akasvika panzvimbo iyi munguva dzemangwanani achibva aendesa Chinoda kuHarare Central Hospital uko hurwere hwake hwakakomba, achibva apfuudzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals kunova kwaakashaikira achangopihwa mubhedha.

Ongororo yakaitwa pamutumbi wake namachiremba inoratidza kuti Chinoda akafa nekuda kwemaronda emumusoro.  Nyaya iyi yakazoferefetwa nemapurisa, vaviri ava vachibva vasungwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *