Macheso oshoropodza vatyairi vasina hanyn’a pamugwagwa

Trust Khosa

SHASHA yemusambo wesungura Alick Macheso anokurudzira vatyairi vedzimotokari kuti vatevedze mitemo yemumigwagwa, achisimbisisa kuti nguva yezororo reKisimusi haisi itsva sezvo yagara ichingouya uye ichidarika gore negore.

Muimbi ane makore 57 okuberekwa uyu, uyo ari mushishi kurwisa nyaya dzekutyairwa kwemotokari vanhu vakadhakwa kana kushaya hanyn’a pamugwagwa, anoti kuzvibata kwakakosha panguva yezororo riri kuuya iri.

Achitaura kuZimpapers Arts and Entertainment Hub parutivi, musi weshoo yake yemhuri yaakaitira paSteak House Bar & Grill kuWaterfalls, muHarare, nomusi weSvondo wadarika, Macheso akataridza kushushikana nekuwanda kwetsaona dzemumigwagwa dzinoitika panguva ino yegore.

“Kukutaurira chokwadi, ndinoshushikana nekuona uwandu hwetsaona dzinoitika panguva iyi. Handizivi kuti sei vanhu vachifarisa uye vachirega kuchenjerera pakutyaira. Zvinondirwadza kurasikirwa nemutsigiri kana chimwe chizvarwa chenyika mutsaona inokwanisa kudzivirirwa zviri nyore,” anodaro.

Mutungamiri wechikwata cheOrchestra Mberikwazvo uyu anoti haambofa akaregedza kurwisa nyaya dzekutyairwa kwemotokari zvisina hanyn’a.

“Ndiri munhu anoita mashoo anosvika matatu svondo roga roga. Vamwe vevatsigiri vanotyaira motokari kwechinhambwe chirefu kuti vauye kuzoona ndichiridza pasiteji.

“Ndinogara ndichinamata kuti zviso zvimwe chete zvinouya kumashoo angu zvirambe zvichiuya nokuti ndinovada.

“Zvinondirwadza kunzwa kuti mumwe wevatsigiri vangu afa achibva kushoo yangu nokuti ndinokoshesa upenyu.”

Macheso anokurudzira vatyairi kuti vatsvage vamwe vanotyaira motokari dzavo kana vachinge vaenda kumabiko uko vanopedzisira vanwa doro panguva yezororo reKisimusi.

“Ndinogaroudza mwanakomana wangu kuti nguva yezororo pamwe neKisimusi ichagara iriko uye kuti takaiona iriko, izvo zvinondityisa kana vanhu vakaita unhu husina kunaka panguva iyi.

“Kutaura chokwadi, hapana chitsva pamusoro peKisimusi asi nguva yezororo iyi inoita kuti vamwe vanhu vasvike pakusaziva zvavari kuita. Ngatingotorei zororo roga roga sezvariri, kwete kuti tifarisise nokuti tinokoshera mumwe nemumwe wedu,” anodaro.

Macheso, anove mumwe wevaimbi vanogara vari mushishi nebasa remimhanzi muZimbabwe, anotsanangura 2025 segore richaramba richirangarirwa.

“Handikwanisi kutenda Mwari zvakakwana nokuda kwezvaandiitira nokuti ndinoona ruoko rwake mune zvose zvandinoita muupenyu hwangu. Unoziva here kuti tange tichiita mashoo anokwana matatu pasvondo kubva muna Ndira uye mune zvose zvatakaita takaona ruoko rwaMwari nenyasha dzake.

“Kufunga kuti ndine nhengo dzechikwata dzinodarika 25 dzinotarisira kwandiri, ndinongotenda Mwari anoita kuti zvinhu zviendeke,” anodaro.

Macheso akarumbidzawo chikwata chake nekuzvipira mubasa racho.

“Ndakaropafadzwa kuve nevandinoshanda navo vakatendeka, vanokoshesa basa ravo nguva dzose. Izvi zvoga zvinoita kuti basa rangu rireruke, uye ndicharamba ndichirumbidza kuvepo kwavo kwandiri nechikwata chedu. Ndine kutenda kwakanyanya nevandinoshanda navo nokuti vanonditsigira, izvo zvaita kuti chikwata chedu chikure uye chive neruremekedzo. Ndichagara ndichirwira vandinoshanda navo uye ndicho chikonzero ndichivimba navo; varwira chikwata chedu zvakanyanya,” anodaro.

Zvichakadaro, pashoo yemhuri yaMacheso painakidza zvekukunda ngoma kurira, sezvo vamwe vaimbi vakamutsigira pazuva raainyanya kuvada. Vaimbi ava vanosanganisira Andy Muridzo naSarah Dee.

Simon Mutambi, Lady Storm naPeter Moyo vaivepowo.

Nhengo dzechikwata chaSuluman Chimbetu dzakange dziripo zvakare apo Jean Master, uyo akatanga kudziisa siteji, akasiya vatsigiri vachishevedzera engo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

One thought on “Macheso oshoropodza vatyairi vasina hanyn’a pamugwagwa

  1. Ngatisangotaureyi bedzi, nyaya dzematsaona nguwa dzese munongotaure bedzi pasine chinobuda, mapurisa arikuite chioko muhomwe, mapurisa ngaite zvekuteste anhu anotyaire akadhakwa, maspeed limits seenzesayi michina, kwete kungotaure nekuti murikude kunzike panhau, lets stop taliking too much, be practical, tsaona muZimbabwe dzanyanya, anhu haagone kutyaire motika, wazhinji hawana kana kuwerenge mabhuku emutemo yemumugwagwa, wakatenge/warikutenge marezinesi, hapana zvezvinotibatsire kuzongode kubatsire kubvise chema nekukotsa anhu atsakatike, anhu arikutore zvinodhaka, pagadziriseyi ipapo, kwete kungode kunzike kuti mataura…ndatenda..

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×