MACHIKICHORI: Kubika mufushwa wemunyemba

SVONDO rino, tiri kukaringirwa mufushwa wemunyemba une dovi naVaJames Tinarwo, vekwaZvimba. Mufushwa wemunyemba kudya kwepasichigare kunovaka muviri, uko kwaiita ukuti vakuru vakare vagare vakagwinya, vasingabatwi nezvirwere zvose zvose uye vachirarama kwenguva refu.

Tinowana iron, vitamin C neD kubva mumufushwa wemunyemba.

Zvinodiwa

Mufushwa wemunyemba;

Munyu;

Mafuta;

Dovi;

Madomasi;

Hanyanisi

Mabikiro

Chokutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.

Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.

Chiisa muchikari chine mafuta mashoma.

Chekerera madomasi nehanyanisi, wokanda munyu wakaringana nemvura.

Siya zvikwate kweawa kana kudarika, uchiwedzera mvura kusvika waibva.

Chitora dovi, ukurungire kusvika zvasangana.

Vhara poto, wodzikisa moto. Siya zvishinyire kwemaminitsi maviri, wobura zvako.

Wozodii?

Zvadaro, inenge yave nguva yekupakura. Usavi uhwu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana kuti +263 773394753.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *