MACHIKICHORI: Kukaringa zvikanganwahama

NYAMA yezvikanganwahama inonaka zvikuru sezvo isina mafuta akanyanya uye ine mapuroteni anobatsira mukuvaka muviri. Anobatsira zvakare mukurwisa zvirwere zvakasiyana-siyana mumuviri.

Svondo rino, Tsitsi Ndarukwa wekuChitungwiza anotitsanangurira mabikirwo ezvikanganwahama emhando yepamusoro.

Zvinodiwa

Chikari;

Zvikanganwahama;

Munyu;

Mafuta’;

Mhiripiri;

Madomasi;

Hanyanisi

Mabikiro

Cheka zvikanganwahama, wozvivhura, wobva wabvisa tsvina yose.

Zvigeze, zvichene.

Zviise muchikari.

Isa chidimbu chekomichi yemvura nemunyu wakaringana.

Zvikwatise kwemaminitsi makumi maviri.

Kana mvura yapera, isa tumafuta tushoma, wokanga.

Chekerera hanyanisi nemadomasi, woramba uchikanga kusvika zvaibva.

Unogona kuzoisawo mhiripiri kana uchiifarira.

Wozodii?

Kana zvaibva, chigadzirira kuzviruma rurimi nekunakirwa.

Zvikanganwahama unogona kuzvidya zvakadaro. Unogona zvakare kuzvidya nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana kuti 07733 94 753 uye paemail: [email protected]

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *