MACHIKICHORI: Magwinya chireramhuri

Muchaneta Chimuka

MAGWINYA kare ainyanya kudyiwa kumaruwa asi iko zvino atekeshera kunyangwe nemumadhorobha zvokuti ave kutotengeswa muzvitoro zvikuru nedzimwe nzvimbo.

Tinowana macarbohydrates nemaprotein kubva muchikafu ichi.

Svondo rino, tiri kubikirwa kudya kunonaka kwemagwinya naRopafadzo Marufu wekuWedza.

Zvinodiwa

Furawa;

Tsvigiri;

Mazai maviri;

Yeast;

Mbatatisi dzakagayiwa;

Chipunu;

Munyu;

Mafuta;

Poto;

Forogo;

Kadhishi

Mabikiro

Isa makomichi mana efurawa mukadhishi.

Kanda zvipunu zvina zvetsvigiri nezviviri zvemunyu.

Pwanya mazai maviri, woisa zvakare.

Isa chidumbu chechipunu cheyeast.

Kanda mbatatisi dzakagayiwa uye dzakafashaidzwa, wosanganisa kusvika zvakora.

Umba zvawakanya zviya uchiita mabhora madiki.

Gadza pamoto poto ine mafuta akawanda, siya apise, wokanda mabhora aye efurawa awaumba.

Ona kuti zvaibva zvose nemukati, uchibaya neforogo.

Magwinya kana aibva, anoonekwa nekutsvukira kunze uye mukati mawo ukamubaya, furawa hairembenuki.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura udye nemhuri. Unogona kuadya uchidzikisira nesvutugadzike ine mukaka kana isina, maheu kana zvimwe zvinwiwa zvaunofarira.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263773394753 kana 0713411281 kana email: muchaneta.chimuka@ zimpapers.co.zw

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *