MACHIKICHORI: Nakirwai nemutakunanzva wemadora

MADORA kudya kunofarirwa nevanhu vemazera ose uye tinowana mapuroteni neiron kubva muusavi uhwu.

Vhiki rino, Ropafadzo Mungate, wekuBindura, anotitsanangurira mamwe mabikirwo emadora.

Zvinodiwa

Madora akaomeswa;

Hanyanisi;

Madomasi;

Mafuta;

Munyu;

Pani

Mabikiro

Fashaidza madora mumvura kuti apfave.

Dira mudhishi, apore ari mumvura imomo.

Chiageza achene, uchiatwasanudza.

Isa mafuta mupani, wobva waakanga.

Chekerera hanyanisi nemadomasi, wokanda.

Isa munyu wakaringana, woramba uchikanga kudakara zvaibva.

Wozodii?

Kana zvaibva, bura udye nemhuri.

Madora anogona kudyiwa nesadza remhunga, rezviyo kana jena. Anogona zvakare kudyiwa akadaro.

Kana parwendo, unogona zvako kufamba uchinakirwa nawo.

Aiwa, unozviruma rurimi!

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba yenhare inoti +263 773 394 753 kana email: muchaneta.chimukah@ gmail.com

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *