MACHIKICHORI: Usavi hwehove nyoro mudyandakasungwa

USAVI hwehove nyoro hunonaka zvikuru uye tinowana mapuroteni neiron, iyo inosimbisa mabhonzo nekurwisa zvirwere zvakasiyana-siyana mumuviri.

Svondo rino, Anotidaishe Mashizha wekuBindura anotitsanangurira mamwe mabikirwo ehove zvine unyanzvi.

Zvinodiwa

Hove mbiri hombe,

Chikari kana pani;

Madomasi;

Garlic;

Hanyanisi;

Munyu

Mabikirwo

Para hove dzako, wobvisa makwati ose pamwe chete nekudzitumbura.

Dzigeze, dzichene mukati nekunze.

Chicheka kuita zvidimbu zvitatu pahove imwe neimwe.

Dzikande muchikari kana mupani.

Isa mvura shoma, mafuta akaringana nemunyu.

Chiisa madomasi, hanyanisi nechimedu chegarlic zvakachekererwa.

Siya zvikwate kusvika zvaibva. Usadzipindure kuitira kuti dzisadimbuke.

Kana dzaibva, dzinoita muto wakakora.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura udye nemhuri. Hove dzinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga, sarudzo ndeyako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753 kana paemail: muchaneta.chimuka@ zimpapers.co.zw

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *