MACHIKICHORI: Zvakanakira nhopi ine dovi

naMuchaneta Chimuka

NHOPI yemanhanga kudya kunovaka muviri uye kunogutsa. Inonaka zvikuru uye inotipa mapuroteni nemacarbohydrates, izvo zvinoita kuti tiwane simba nekuita kuti muviri ukwanise kurwisa zvirwere.

Khesani Bhaloyi wekuChiredzi anotitsanangurira mamwe mabikirwo enhopi ine dovi.

Zvinodiwa

Chikari kana kuti poto;

Nhanga rimwe chete;

Upfu;

Dovi;

Mvura yakachena;

Shuga;

Mugoti kana musika

Nhopi

Mabikiro

Geza nhanga rako, woritsetsa rukanda rwese. Cheka nhanga kuita zvidimbu zvidiki. Rigeze, uchibvisa mhodzi dzese.

Isa zvawacheka muchikari, woisazve mvura yakaringana.

Isa pachoto, zvikwate kudakara zvaibva.

Kanda twushuga tushomashoma, woisa upfu hushoma zvakare, uchimona.

Isa dovi, womona zvakasimba kudakara zvanyatsosangana.

Vhara kwemaminitsi mashanu kuti nhopi ishinyire.

Wozodii?

Kana zvaibva seizvi, bura udye nemhuri, hama neshamwari.

Mhodzi dzemanhanga dzinogona kuomeswa, dzokangwa nemunyu, zvichipa utano zvakare.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude muchinyorwa chino panhamba dzenhare dzinoti: +263 773394753 kana kutumira pakero yeemail inoti: muchaneta.chimuka@ zimpapers.co.zw

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *