MAONERO EDU: Tsika dzekuremekedza vabereki dzaendepi?

SVONDO rino, tine nyaya yechembere yekuEpworth iyo iri kuti yaoneswa pfumvu nekurohwa nemwanakomana wayo anotora zvinodhaka sezvo ari kuda kutora imba yairi kugara.

Mukubuda kwenyaya iyi, chembere iyi inoti mwanakomana uyu anotaura pachena kuti ichafa rinhi kuitira kuti agozotora imba iyi.

Nyaya iyi inosuwisa zvakanyanya uye inotaridza kukura kwaita dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechechidiki muZimbabwe.

Patsika nemagariro evanhu vatema, vana vanofanirwa kuremekedza vabereki vavo — vangave baba kana amai.

Pamusoro pezvo, mwana akarova kana kutuka vabereki anotanda botso.

Izvi ndizvo zviri kuita kuti panyaya yemwanakomana uyu ari kurova nekutuka amai vake, nyakutumbura, tibva tazvishairwa shumo yazvo.

Mwanakomana uyu anofanirwa kunge achitoriritira amai vake nekuona kuti vari kugara zvakanaka here.

Asi ndiye atomuka chibhebhenenga kuvashungurudza nekuvarova uye kuvaudza kuti dai vachifa kuitira kuti akwanise kutora imba yavo.

Kune vanhu vakawanda nhasi uno vasina vabereki mushure mekunge vafa zvokuti pane nguva dzavanodemba kuti dai varipo sezvo vakavakoshera muupenyu hwavo.

Asi ndipo powoona mumwe mwanakomana asina huchenjeri zvachose achirova amai vake zuva nezuva!

Hazvishamisi kunzwa kuti mwanakomana uyu aisira amai vake muchetura muchikafu nekuti hunhu hwake nemafungiro ake hazvina kunaka zvachose. Zvaari kuita hazvina kumbosiyana nekuzvisikira moto muziso nokuti mune remangwana achazozvidemba.

Inga Bhaibheri wani rinoti remekedza baba naamai vako kuitira kuti ugorarama mazuva akawanda panyika.

Mwana akarova mubereki, zviri pachena kuti anenge azvipa rushambwa kana kuti munyama mukurarama kwake.

Sekutaura kwechembere iyi, mwanakomana uyu anoba zvakare mari nemimwe midziyo achiitengesa kuitira kuti awane chekutengesa nacho mutoriro nezvimwe zvinodhaka.

Nhasi uno kune vabereki vakawanda vari kushungurudzwa nevana vavo vanotora zvinodhaka.

Sevanhu vatema, zvakakosha kuti tidzoreredze tsika dzedu nokuti inhaka yemusiiranwa.

Kunyangwe zvikaita sei mwana haafanirwi kurova mubereki.

Vechidiki vanofanirwa kusiyana nekatsika kekutora zvinodhaka nokuti kunze kwekukonzera kuti vashungurudze vabereki vavo nevamwe vanhu vemunharaunda, ramangwana ravo rinoenda mudondo zvakare.

Hurumende, yakabatana nemapoka akasiyana-siyana, iri mushishi yekurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka, kunyanya nevechidiki.

Dambudziko iri riri kukonzeresa zvakawanda munyika, izvo zvinosanganisira kuparwa kwemhosva dzakadai sekuba nekubata vanhukadzi chibharo.

Pamusoro pezvo, riri kuunza kuparara kwemhuri.

Riri kubatawo vanhu vemazera ose sezvo kuine vamwe vechikuru vari kushandisa zvinodhaka zvisingatenderwi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *