MACHIKICHORI: Zvirume rurimi nehohwa!

HOHWA kudya kunovaka muviri. Kubva kwahuri, tinowana mapuroteni, ayo anobatsira mukudzivirira zvirwere. Tinowana zvakare iron, iyo inosimbisa mabhonzo.

Vamwe vanototi hohwa inyama chaiyo nokuti hunonaka samare.

Asi musatenge hohwa hwemumikoto kana mumigwagwa nokuti munogona kuwana hunouraya.

Tengai muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo senzira yekuchengetedza upenyu.

Svondo rino, Prosper Moyo wekuBikita anotsanangudza mamwe mabikirwo ehohwa.

Zvinodiwa

Hohwa hwemhando yaunoda;

Chikari kana poto;

Munyu;

Madomasi;

Hanyanisi;

Garlic;

Godzamuto rehohwa (mushroom soup)

Mabikiro

Geza hohwa huchene.

Huise muchikari, woisa makomichi maviri emvura.

Siya hukwate kusvika hwaibva.

Isa mafuta, wokanga.

Chekerera hanyanisi, madomasi negarlic.

Isa munyu wakaringana, woramba uchikanga.

Kana zvatsvukira, isa godzamuto rehohwa kuitira kuti usare uine muto wakakora.

Wozodii?

Chibura unakirwe iwe! Hohwa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana +263 773 394 753

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *